Wedzerai mabhazi: PAZ

Abel Ndooka
SANGANO rinomirira vanhu vanofamba nemabhazi nemakombi rePassenger Association of Zimbabwe (PAZ) rinoti mabhazi ari kufamba mashoma zvikuru izvo zviri kukonzeresa kuti veruzhinji vaungane pazviteshi zvichivaisa panjodzi yechirwere cheCovid-19.

Mutungamiri wePAZ, VaTafadzwa Goliat, vanokurudzira Hurumende kuti iwedzera mabhazi eZUPCO kuitira kuti kufamba kweveruzhinji kuve nyore pakuenda nekudzoka kumabasa.

“Tsvakurudzo yatakaita takaona kuti mabhazi mashoma ari kufamba mumaguta achitakura vanhu vanoenda kumabasa. Izvi zviri kukonzeresa kuti vanhu vaungane kwenguva refu pazviteshi vachimirira mabhazi eZUPCO kuti vaende kumabsa nekudzoka kudzimba.

“Pakuungana kwavanenge vakaita ikoku, panenge pasina kutaramukana (social distancing) nekuti vamwe vanenge vachitya kupindirwa. Saka vanhu vanopedzisira vamira vakaungana, ipapo unotoona vamwe vasina kupfeka mamask zvakanaka.

“Kuungana uku ndiko kuri kurambwa neHurumende uye neWorld Health Organisation nekuti pakaungana vanhu vakawanda pakangoita mumwe chete ane coronavirus, vose varipo vanogona kuibatira,” vanodaro VaGoliat.

Vanotiwo sangano ravo riri kutambira nyaya dzakawanda dzevanhu vanonzi vari kubatwa huruweki nematsotsi kunzvimbo dzakasiyana apo vanomukira kumabhazi.

ZUPCO ndiyo inotenderwa kutakura veruzhinji munguva ino apo vanhu vari kunzi vagare kudzimba senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Kune mamwe makombi zvakare ari kushanda ari pasi peZUPCO.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×