MURUME AKAYANIKWA MUDARE… ‘Wakabata mwana chibharo’ . ‘Apa wakandizadza chirwere’

Yvonne Chidochashe Manyanja
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati murume wake ave kumudzinga pamusha mushure mekunge atora kasikana kasati kabva zera ako kaakabata chibharo ndokukaita mudzimai wechipiri.

Izvi zvakabuda muHarare Civil Court apo Persuade Mudavanhu akamhan’arira mukadzi wake, Nyaradzo Chiparawi, achida kuti abve pamba pavanogara achiti ari kumushungurudza.

“Changamire, ndanzwa nekungosungiswa. Pane pandakamurova kaviri akamhanyira kumapurisa akabva andisungisa. Anoswera achishungurudza mukadzi wangu wandinaye pamba saka handichadi kumuona, ngaagare hake kumba kwevabereki vake.

“Ndikangomupusha anobva amhanya kumapurisa, hapana paanonditora semurume. Handina kana chimwe chete chandakabvisa kumba kwavo saka anogona kungoenda futi akadaro nekuti ini handichamudi,” akadaro Mudavanhu

Chiparawi akasvimha misodzi mudare achiti haasati akamboona murume akaoma moyo zvakadaro.

“Ishe wangu, murume uyu anoti anondipa mari achinyepera dare. Kubva musi waakatorana nekamwana kaakabata chibharo ndakange ndisisina kukosha. Ndinorara pasi ivo vakarara pamubhedha. Hungaitewo upenyu here changamire?

“Hapana chisvinu chaanoita, kutaura kuno bhegi raanogara akabereka iri rinogara rakazara mbanje. Ndiko kunoperera mari yake.

“Ndakaita vana vatatu naye uye nditori nepamuviri pake apa anogara achindirova. Gore rapera ndakazvara mwedzi isati yakwana nekuti ndaigara ndichirohwa asi nhasi vanouya vachiti ndisavasungise saka ndoshungurudzwa ndakanyarara here?

“Pamusoro pezvo, akandizadza chirwere chepabonde saka pandakamuti ndoda mari yekurapwa akabva andirova ndikatizira kumapurisa. Ichi ndicho chokwadi, hutsinye ndihwo hwakazara pamurume uyu,” akadaro

Mutongi Barbra Mateko akarasa chikumbiro chaMudavanhu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *