BVUNZA GODOBORI: Mwana akarova baba anotanda botso here?

MUCHIKAMU chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evatema, uye vachipindurwa nenyanzvi.

Mubvunzo

Ndingafare zvakanyanya kana mukandibatsirawo pane zvinotevera:

Ndinonzwa kuti mwana haafanirwi kurova mubereki, angave amai kana baba vake. Akangovarova chete, anozotanda botso. Kutanda botso kwacho kunomboitwa sei?

Zvichiri kuitwa here makore ano sezvo tiri kuona vamwe vana vari kurova kana kutosvika pakuuraya vabereki vavo chaivo? Ko, kana munhu akasatanda botso chii chinozoitika? — J. Madamombe, Goromonzi

Mhinduro

Kutanda botso chirongwa chinoitwa senzira yekuripira kukanganisirwa kunenge kwakaitwa mubereki nemwana kuburikidza nekumurova kana kumutuka.

Kunoitwa nechinangwa chekuranga mwana uye kudzidzisa vamwe kuti vabereki havarohwi kana kutukwa.

Hazvinei kuti ndibaba kana amai, vose vakangofanana uye mwana akavarova kana kuvatuka anotofanirwa kutanda botso maringe nechivanhu chedu.

Kune vamwe vanofuririka nekunzwa kuti kana vakarova baba havatandi botso nekuti iropa rimwe chete. Uku kungoda kuzvifadza nenhema chete.

Pachirongwa ichi, panobikwa doro nekuurayiwa mombe.

Munhu anenge achitanda botso anopfeka masaga, otenderera nemumisha yevanhu, achipemha zviyo nezvimwe zvinodiwa pakuzobikwa kwedoro racho.

Kana achipemha zvinhu izvi, anenge achifamba achitaura pajekerere uye achishevedzera kuti akarova amai kana baba vake.

Haatenderwi kusvika pamisuwo yedzimba dzevanhu kwaanenge achipemha asi kuti anofanirwa kugumira kugomba rinorasirwa marara, uko anoumburuka mumadota.Voruzhinji vane kodzero yekumunyomba nekumusvereredza nenzira dzakatsaukana-tsaukana kana kutomutuka chaiko semunhu anenge akarova mubereki.

Musi unobikwa doro iri panoshevedzwa vehukama, vangave vekwaamai kana kwababa, apo nyakurova mubereki anobvisa mombe inozodyiwa pamutambo uyu.

Asi munhu anenge achitanda botso haadyi nyama yemombe iyi kana kunwa doro racho sezvo anofanirwa kunge ari ega kusango kana kuti achiumburuka panzvimbo inorasirwa madota.

Izvi zvinoitwa senzira yekumuranga uye mucherechedzo wekuti azvininipisa pamwe chete nekugamuchira mhosva yake.

Makore ano, vashoma vari kusvika pakutanda botso nekuda kwekupindana kwetsika.

Asi munhu akasatanda botso mushure mekurova mubereki anogona kusangana nematambudziko makukutu mukurarama kwake.

Matambudziko aya anosanganisira rushambwa rwakadai sekushaya mbereko, kurwarirwa nevana zvisina tsarukano kana kurasika njere chaiko.

Ichi chidzidzo chekuti vabereki havarohwi kunyangwe zvodini.

Chivimbo changu ndechokuti J. Madamombe wekuGoromonzi pamwe chete nevamwe vaverengi vabatsirika netsananguro iyi.

Kune vane zvavanoda kutumira kuna Bvunza Godobori, shandisai nhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 0774 132 838.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *