CHIKORO cheUMMA Institute chiri kushanda zvakasimba mukubatsira kuvandudza zvimwe zvikoro nedonzvo rekusimudzira dzidzo muZimbabwe.
Munguva pfupi yadarika, chamangwiza weUMAA Institute, Dr Cleopas Kundiona, vakabatsira Beatrice High School nependi inokosha $7 000 yekuvandudza chikoro ichi pamabiko eSeke District Merit Awards.
Vachitaura pachiitiko ichi, Dr Kundiona vanoti ibasa ravo kuti vashande kuvandudza zvimwe zvikoro nekuti izvi zvinobatsira kusimudzira dzidzo yenyika yose.
“Dzidzo ndiyo upenyu hwedu muno uye pasina fundo hapana kwatinosvika.
“Ibasa redu tose kuti tishande kusimudzira fundo yemuno saka isu seUMAA Institute tiri kushanda kusimbisa chirongwa cheZim-Asset chekuvandudza upfumi hwenyika icho chakatarwa neHurumende yeZimbabwe nekuvandudza kwatiri kuita zvikoro zvakasiyana.
“Isu pano paBeatrice High School tiri kukupai pendi ye$7 000 kuti mungovandudza chikoro chenyu,” vakadaro Dr Kundiona.
Muhurukuro neKwayedza, Dr Kundiona vanoti aka hakasi kekutanga vachibatsira kuvandudza zvikoro sezvo vakamboyamura Mandedza High School nezvimwe zviri kuMarondera.
“Aka hakasi kekutanga tichibatsira zvikoro sezvo takabatsira zvimwe zvine chitsama.
“Kuti fundo ienderere mberi, vana vedu vanofanirwa kudzidzira pakanaka ndiko kuti vaite shungu nechikoro,” vanodaro Dr Kundiona.




