SANGANO reApostolic Christian Council of Zimbabwe rinoti machechi echipositori anofanira kushanda pamwe chete mukubatsira nherera nechirikadzi, mukuona kuti vana vaenda kuchikoro nekurwisa kumbunyikidzwa kwevanhukadzi.
Mashoko aya akataurwa nevatauri vakasiyana nguva yadarika paipihwa rubatsiro kunherera nechirikadzi pachechi yeMorotashi Apostolic Church iri kuChitungwiza.
Vachitaura pachiitiko ichi, sachigaro weACCZ kuChitungwiza/Seke, VaEmmanuel Manyeruke, vakati ibasa revemachechi kubatsira nherera nechirikadzi.
“Rimwe remabasa makuru emachechi kubatsira vanotambura. Ngachive chinangwa chemachechi echipositori kupa rubatsiro, kunyanya kunherera nechirikadzi. Ndinofara chaizvo kuti mamwe machechi ari kutevedzera donzvo reACCZ rekupa rubatsiro urwu.
“Zvisinei, kuchine mamwe machechi asati ava kutevedzera izvi asi kurudziro yedu ndeyekuti varangarire vanotambura kuburikidza nekupa rubatsiro sezvo zvichiratidza kubatana kwavo nenharaunda dzavanoshandira pamwe nevavanonamata navo,” vakadaro.
VaManyeruke vanoti kune mamwe machechi echipositori asingakoshesi kuenda kwevana kuchikoro anofanira kusiya tsika iyi ofambirana nenguva.
“Yaive mbiri yekare yekuti mamwe machechi echipositori aisada kuti vana vaenda kuchikoro. Kuri kuenda nyika kwava kuda kuti mwana wose ange achienda kuchikoro uye kuti munhu wose ave neruzivo kuti vakwanise kuenderana nezvitsva.
“Hatichatarisira kuona vana vasingagoni kuverenga. Machechi echipositori ngaakoshese kuendesa vana kuzvikoro, kunyanya nekuvabatsira nemari kune avo vanenge vasingakwanisi kuendeswa nevabereki kana vakafirwa nevabereki.”
Mukuru weMorotashi Apostolic Church, Bishop Aaron Kawanzaruwa (88), vakati chechi yavo ine donzvo rekubatsira vanoshaya uye vane tarisiro yekuendesa vana vakawanda kuchikoro. “Shungu dzedu ndedzekuti isu vemachechi echipositori tikwanise kupa rubatsiro semamwe machechi. Hatifanirwe kuzivikanwa sevanhu vasingadi kuti vana vaende kuchikoro.
“Vana vedu vanofanira kuenda kuchikoro sezvinongoita vemamwe machechi. Kuchechi kunoendwa kuti vanhu vave nehuchenjeri naizvozvo imwe nzira inoita kuti vana vechechi dzechipositori vave nehuchenjeri kuvaendesa kuchikoro,” vakadaro.
Bishop Kawanzaruwa vanoshora kuita kwemamwe maporofita ayo ari kubhinya vanhukadzi vavanenge vachiti vari kubatsira.
Vanoti vamwe vacho vari kupedzisira vatora vakadzi vevanhu.




