‘Usandichengere, rega ndikechwe’

Milcah Nhakura
MUMWE mudzimai anoti ari kuoneswa ndondo neaimbova murume wake uyo waanoti anomuchengera zvakadarikidza sezvo asingade kuti apfimbwe nevamwe varume.

Tryfin Majoni akamhan’arira Didymus Chipunza kudare reHarare Civil Court achikumbira kudzivirirwa. “Ndinokumbirawo kuti baba ava vamire zvekundichengera nekuti vari kunditadzisa kunyengwa nevamwe varume.

“Vanoita basa rekutarisa kuti ndiri kufambidzana nani uye kana vapedza votanga kuita zvebongozozo. Ndinoda kuti kana vachida kuti titaure tinofanira kungotaura nyaya yevana chete,” anodaro Majoni. Anoenderera mberi achiti, “Patakange tichiri tose, aindinyepera kuti ndinoshungurudza mamwe madzimai ake, kunyanya wandakanga ndakatevedzana naye sezvo aine madzimai akawanda. Akandizvambura musi wa23 Kubvumbi achiti ndinomushungurudza.

“Akazonondiramba pamberi pehanzvadzi yangu nasekuru vangu asi ave kuti zvakare anondida, saka inini ndaneta naye.”

Chipunza anoti zvose zviri kutaurwa naMajoni manyepo.

“Zvose zvaataura hapana chokwadi, anonyepa. Asi handina zvangu mhosva nazvo chero akapihwa gwaro raari kukumbira,” anodaro Chipunza.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Majoni gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *