naIgnatius Mabasa
UCHIRI kurangarira here pawakatanga kuona rufu? Ini imbwa yangu yainzi Jet yakarumwa nenyoka ikafa. Jet ndaiida nekuti ndiyo yega chinhu chandaiti ndechangu.
Kuiona yakarara mumarara ichitadza kumuka kwakandirwadza. Kwakandiuraya nyangwe zvangu ndakanga ndiri mwana mudiki.
Rufu rwune kuita kwarwo kwandisingakwanise kutsanangura. Rufu rwunosiya vanhu vazhinji tisina remuromo. Asi Mwari vakatsanangura rufu zvandakanzwisisa. Kuna Mwari, rufu hakusi kuburutswa panzira, asi kukwidzwa bhazi rinokusvitsa pamba.
Asi unozviziva here kuti unogona kufa iwe watofa? Kana ukafa, paunovigwa muguva mako mukaiswa imbwa mhenyu nekuti hama dzako dziri kuda kuti uzomukira vakakuuraya – unenge wave kuurayiwa zvakare. Unogona kuvigwa nembwa sezvakaitwa nevanhu vekuTsholotsho vakaviga hama yavo yakafira kuSouth Africa mutsaona. Nyaya iyi yaive muKwayedza yesvondo rakapera.
Nyangwe mukafunga kuti munhu ave mwari anonyorwa naM mudiki, humwari hwemunhu hwakafanana nembwa yakafa. Humbwa hwemunhu hunonyatsobuda paanofa. Usati wafa, unogona kunge wainyorwa mumapepanhau, uchidya munyepfu wenyama usingabatire mumazino.
Unogona kunge wakanga uchifitwa nehembe kunge poto yaiswa chivharo chayo, unogona kunge wakanga uchiunganirwa nevanhu vachikushevedza nemazita emari – asi kufa kunokubvisa make-up yese yaikupa manyemwe.
Kana wafa, hauchakwanisa kuzvitora maSelfie, kana smartphone yako haicharamba iri yako. Kana wave chitunha vanhu vanoita zvavanoda newe kusvika pakukuviga nembwa. Rufu haruremekedze zera rako, runako rwako, mari yako kana chinzvimbo chako.
KuTsholotsho vakaviga munhu akafa pamwechete nembwa mhenyu. Chikonzero chavo chiri chekuti mufi agomuka achirwa nevakakonzera rufu rwake.
Kana munhu akaramba zvinotaurwa naMwari kuti vanomutsa vakafa, anobva atanga kutsvaga dzimwe nzira dzekuti arege kufa.
Tinotya kufa, uye zvinoita sekuti kana tichibvuma kuti tinofa, hupenyu hauna chahunoreva.
Vanhu vazhinji vanofunga kuti kana vakaita vana, havazorova. Ndizvoka zvinoimbwa muchimbo chiye chinonzi “Dangurangu” naThomas Mapfumo. Hanzi vane mudzimu havarove, vanofa vachizvarwa vamwe.
Varikowo vamwe vanoti munhu haarove nekuti mabasa ake aanoita ndiwo anosara achibatsira vapenyu. Asi kana tave kuviga mufi naBhoki hukama hwemufi nembwa huri papi? Kana mweya wemufi uchinge wamutswa kuti urwe nevapenyu, ko ivo vakamutsa mweya uyu vave anamwari here? Ko ivo havazofa here?
Nemhaka yei tichida kubatirira kuhupenyu huno zvekurambidza afa kufa? Hupenyu hwatiri kurarama hwekutorerana, kunyengedzana, hwekufungirana, kuvengana, kutsividza, kutyisidzirana nekuroyana — hupenyu hunofadza here? Ko hupenyu hwekurwa nekurwisana nekuti hama yedu yafa hunofadza Mwari here? Mwari havana here kuti, “Kurwa nekutsiva ndekwangu?”
Kusanzwisisa kwedu zvinoitika kana tafa ndiko kunotikonzera kuti titsvage mhinduro kumbwa. Nekuda kwekuti vana chiremba muzvipatara vanoperera pakuti munhu afa, vanhu vazhinji hatigutsikane nazvo. Vazhinji tinotsvaga kuitirwa maPost-mortem, asi vazhinji tinotanga kutsvaga nyoka nhema murima remashavi nen’anga.
Asi takaudzwa kuti tikafa tabvuma kuti Mwari ndivo vanopa humwe hupenyu kana hupenyu hwedu pano panyika hwapera.
Saka tinorambirei zvaMwari tichida zvekuvigwa nembwa?
Kuvigwa nembwa hakuna dhiginiti, hakuna chiremerera uye hakubatsire afa nekuti munhu akatarirwa “miganhu yaasingagoni kudarika.”
Jesu akafa akamuka. Ndiye akati “Nekuti ndiri mupenyu, nemiwo muchave nehupenyu.” Vadzidzi vaJesu vakamuona achifa, uye vakamuona achimuka kubva kuvafi. Mwari vakatigadzirira hupenyu husingapere hunokunda hupenyu hwedu hwepano panyika hwekudya soseji. Mwari vakativimbisa kuti kusafa kuchamedza rufu. Hazvina kumbonzi kuvigwa nembwa kuchamedza rufu.




