‘Vabereki tsigirai vana’

Malven Mugadzikwa

MUKURU wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Kateera, vanoti vabereki vanofanira kutsigira vana vavo zvakakwana muzvikoro sezvo iri iyo nzira inoita kuti vafarire kudzidza zvose nekuti vave nehunhu nekugadzirira ramangwana ravo.

Vakapa kurudziro iyi svondo rapera apo vakavhura zviri pamutemo dzimba dzekudzidzira paMbare High School.

Pagungano iri, vana vepachikoro ichi vakawana mibairo yakawanda yekugona muchikoro, kuita mitambo yechivanhu nemimwe.

“Kuvakwa kwakaitwa mudhuri watavhura nhasi uyu chiratidzo chekuti chikoro cheMbare High chine chido nekuvandudza pekudzidzira pevana. Mwana akawana pekudzidzira pakanaka anovawo nenguva yekudzidza zvakanaka pasina zvinomuvhiringidza.

“Chava chitsvambe kuvana, vabereki, varairidzi nevakapoteredza chikoro kuti vachengetedza chikoro chacho kuti chirambe chichiratidzika zvakanaka,” vanodaro.

Vanoti kuvandudzwa kuri kuitwa chikoro ichi kwakakosha zvikuru.

“Sechikoro, zvese zvinoitwa pano zvinofanira kuva mugwara rakanaka rinogadzira ramangwana revana nekuti kucharamba kuchiuya vana vachidzidza pano.

“Ndinoda kutenda Mbare High nekuti iri kubura vana vane shungu nekudzidza uye nyanzvi dzemuchikoro. Izvi zvinoonekwa nemibairo yavawana,” vanodaro VaKateera.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vabereki vanofanira kutsigira vana zvakanyanya. Ndinoda kutenda vabereki vari kubhadharira vana mari dzechikoro asi kune avo vasiri kubhadhara, ndinovakurudzira kuti vabhadhare nekuti kugadzirira vana vavo ramangwana rakanaka uye ndizvo zvinoita kuti chikoro chifambire mberi.”

Vanotizve vabereki vanofanira kungwarira shamwari dzinotamba nevana vavo sezvo dzimwe dzichivafurira.

“Ndinoda zvakare kukurudzira vabereki kuti varambe vakashinga mukukurudzira vana vavo kudzidza nekuti ndiyo nhaka yeupenyu hwavo. Zvakakosha kuti vabereki vashande kuderedza misikanzwa muvana kuburikidza nekuteverera chero shamwari dzinotamba navo.

“Shamwari dzevana ngadzisununguke kusvika pamba penyu muchiona hunhu hwadzo pamwe nekuti havafuriri vana venyu nekuti kune shamwari dzinobuditsa mwana mugwara rekudzidza,” vanodaro.

Mukuru weMbare High School, Mai Mary Madondo, vanotsinhira mashoko aVaKateera vachiti chikoro chavo chiri kushanda nesimba mukuvandudza panodzidzira vana.

Vanoti vari kushandawo mukuti vafambirane nezvimwe pakupa dzidzo yakanangana neNew Curriculum.

“Tinofara nedzimba itsva dzekudzidzira uyu nekuti nderimwe danho ratakwira mukuvandudza chikoro chedu. Tanga tiine dambudziko repekudzidzira asi zvino zvava nani,” vanodaro.

Vanoti vabereki havafanire kurambidza vana vavo kuita zvimwe zvezvidzidzo zvemabasa emawoko sezvekurima sezvo zvichigona kuzovararamisa mune remangwana.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *