CHITSAUKO 18: (Ongororo: Enderero mberi)
Apo Tendai naMonika vanenge vachikurukura panopinda nyaya yokuti kune vanhu hakushayikwi hama, mukoma nemunin’ina kwava kutarisa pasi “sezvinonzi vakanga varangana” (91).
Kudimikira kurimo kushoma, kumwe kwacho tichikuona kuchikuchidzira kushungurudzika kukuru kuri kuita Mujubheki paanenge achipisa nhumbi dzechikadzi dzainge atenga. Tinonzwa zvichinzi moto wacho ndipo pawakati “. . . ndakashevedzwa ndikanzwa”. Zvinobva zvasanganisira nepfedzaunhu pamwe netsumo apo panoshandiswa tsumo inoti, “Imi chitaurirwa umhandara waamai” (94).
Tendai apo anoonana nemunin’ina wake anokurumidza kuzviona kuti pane zvakakomba zvisati zvadurwa naMonika. Izvi zvinodimikirwa zvichinzi, “Tendai akakurumidza kuona mvura zhinji ichabva kure. Rwizi rwakanga rwoda kupunzira” (92).
Apo Mujubheki akasiya apopotera amai vaMonika haana kushandisa mazwi akawanda asi iwo mashoma aakataura akaita kuti amai ava vanzwe kurwadza kwawo izvo zvinodimikirwa zvichinzi “akasvika parere mwoyo nokuti aiva makobvu chaizvo” (95).
Tinoona kutendera kuri mune zvinoitika (belief) apo amai vaMonika vanobuda panze kubva munhanga maMonika ndokushevedzera zita rake kwava kupindurwa nechizizi, vanobva vaziva kuti mwana wavo ainge atiza.
CHITSAUKO 19: (Nyaya yacho)
VaMushayazano vanofira musango magora ndokuti pavari riva riva. Nechekunowo VaChingweru vari kudemba nezvavakaita. Mukutambudzika nepfungwa kwavo tinoona kuti pane zvinhu zvakati kuti zvavanodemba vachiti “Dai”. Chekutanga vanodemba vachiti dai vawana murume wavo vachembedzana naye, chechipiri vanoti dai umhandara huchidzokerwa vagoitazve vamwe vana avo vairaira kuti vaite tsika. Chechitatu ndechekuti dai vainge vakaziva zvavave kuziva iye zvino vangadai vasina kumbotuka amai vavo kuchiti chechina vanodemba kuti dai vaiziva kuti zvinhu zvizhinji zvinoitika kuvanhu pangadai pasina munhu wavakatuka.
Vanozodzokorora kudemba kuti dai murume wavo angowanikwa hake.
VaMushayazano vanozoonekwa svondo rechipiri kubvira zuva ravakashaikwa angova mapfupa chete. Vakagona kuzivikanwa nembatya dzekuchipatara dzavainge vakapfeka. Mapfupa avo anozonovigwa kumusha kwavo.
Pakudzikiswa mapfupa muguva amai vaMonika vanotanga kuzvibidiritsa muvhu vachichema asi Murombo, munin’ina waVaMushayazano, uyo aishanda kuZvishavane anovapopotera achiti ngavarege kumunyepera ivo vachiziva kuti ndivo vakakonzeresa rufu rwaVaMushayazano. Mukuru uyu anopenga achiti vakarega kunyarara kuchema achavajajadura-jajadura.
VaChingweru vanotanga kuchema zvishoma izvo zvinobva zvatonyanya kushatirisa Murombo uyo anotora demo rake kwava kubatwa nevamwe varume ava kuda kuvatema. Anopopota achimboedza kuzvisunungura asi anosungwa mbiradzakondo ndokupfigirwa mumba.
Vamwe vakadzi vachichema, VaChingweru vanoramba vakavhumbana vakaudyura maziso. Tendai nevamwe vakadzi vanozovatora kunovaisa mumba umo vanovabikira bota asi havagoni kuridya. Panozopedza kufushirwa mapfupa aVaMushayazano, Murombo anosunungurwa asi varume vane chitsama vanoramba vakamurinda, mangwana acho munhu ndokudzokera kuZvishavane asina kuoneka.
Panoparara vanhu, Tendai anosara naamai vake avo vanopedza mazuva matatu vasina kudya. Usiku Tendai anorara agere nekuti amai wake vakanga vongovhumuka nekubvotomoka kutsi kwehope, pamwe vanenge vachiseka, chavari kuseka chacho ochishairwa. Anofunga kuti vachaita havo zvakana.
Enderero mberi svondo rinouya.




