Vana 4 vayeredzwa nemvura vakarara mubhiriji

Kingstone Mapupu

VANA vanokwana vana (4) vaive pachechi avo vakazohwanda mvura yainaya pamwechete nevabereki vavo pasi pezambuko rerwizi Tare kwaMambo Nemangwe, kuGokwe South vakayeredzwa nemvura.

Izvi zvakaitika nemusi wa14 Kukadzi nenguva dza3:30 mambakwedza apo chikwata chevanamati vechechi yechipositori vanosvika makumi maviri vainamata padyo nezambuko rerwizi Tare mumugwagwa weGokwe-Siabuwa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mvura yakatanga kunaya asi isina kusimba apo vanamati ava vakanotsvaga pekuvanda pasi pezambuko rerwizi urwu paiva pakaoma panguva iyi pasina mvura.

“Vanamati ava vakakotsira apo mvura yainaya zvakanyanya kumusoro kwerwizi urwu nekudaro mvura yakawanda yakazodzika ichiuya kwavari ichibva yasvikovayeredza vose. Vakazomuka vachida kuzvinunura  asi vana vanokwana vana vakatadza kubatsirika vakabva vayeredzwa vose avo vane mwedzi mipfumbamwe kusvika makore 4 okuberekwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vana ava vaviri vavo vaibva mumusha waSabhuku Kamba vanoti Beauty Mavhiringani aive nemwedzi mipfumbamwe yekuberekwa naDevine Muvhiringani (4).

Vamwewo vaviri ndiPamela Natale aive negore rimwechete nemwdzi mipfumbzmwe yekuberekwa wekwaSabhuku Tsive naEffort Shava (3) wekwaSabhuku Mudzimiri avo vose vaibva kwaMambo Nemangwe.

“Mimwe mitumbi mitatu yevana ava yakawanikwa panzvimbo dzine chinhambwe chiri pakati pekiromita rimwechete kusvika makiromita 20 kumahombekombe kubva pavakatorerwa pazambuko rerwizi Tare. Mumwe mutumbi wemwana ane gore nemwedzi 9 uchiri kutsvagwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoyambira veruzhinji kuti vasavande mvura pasi pemazambuko kana pasi pemiti nemumisososo yakasiyana sezvo zvine njodzi huru yekurohwa nemheni kana kuyeredzwa.

Related Posts

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×