Chirongwa chechina chekugovera chikafu choitwa

Munyori weKwayedza

CHIKAMU chechina chechirongwa chekupihwa kwevanhu chikafu cheFood Distribution Blitz, icho chakatanga nemusi wa1 Kukadzi uye chinotarisirwa kusvika kumagumo kupera kwemwedzi unotevera, chiri kuenderera mberi panguva iyo Hurumende yeSecond Republic iri kuona kuti hapana munhu anofa nenzara.

Vachitaura kuvatori venhau mushure mekupera kwemusangano weCabinet nemusi weChipiri chino, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Dr Jenfan Muswere, vanoti dare iri rakazeya gwaro riri pamusoro pemamiriro akaita nyaya dzechikafu munyika reFood Deficit Mitigation Programme iro rakaturwa negurukota rezvevashandi nekubatsirwa kwevanotambura, Cde Edgar Moyo.

“Chikamu chechitatu chekugovera zvekudya chakatanga musi wa1 Mbudzi, 2024 uye chikapera musi wa31 Ndira 2025, apo vanhu vanokodzera vakawana rubatsiro,” vanodaro.

“Hurumende yeZimbabwe yagovera chikamu che90 percent chechikafu kumhuri dzakatarisana nedambudziko rekuwana zvokudya apo mamwe mapoka anosimudzira nyaya dzebudiriro agoverawo chikamu che10 percent.

“Chirongwa chechina che4th Blitz Food Distribution Phase chakatanga nemusi wa1 Kukadzi uye chinotarisirwa kupera nemusi wa31 Kurume, 2025. Hurumende yeZimbabwe ichaita chirongwa chekutanga cheongororo yezvirimwa cheFirst Round Crop Assessment nedonzvo rekuona goho ringangoburwa uye tarisiro iripo parizvino yakanaka.”

Gore rapera, mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vakazivisa kushomeka kwechikafu uko kwakakonzerwa nekusanaya kwemvura nekuda kweEl-Nino senjodzi huru inoda kuti pave nerubatsiro rwechimbi-chimbi.

Izvi zvakaita kuti Hurumende itore matanho akasimba ekubatsira mhuri dzaive dzakatarisana nedambudziko rekushaya chikafu nechinangwa chekuti pasawane munhu anofa nenzara.

Hurumende zvekare yakakumbira rubatsiro kubva kumapoka epasi rose anosimudzira nyaya dzebudiriro ayo ari kubatsirawo nekugovera chikafu.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *