Vana vanoda rutsigiro: Mavima

Nesia Mhaka naEllen Chasokela
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanokurudzira vatsigiri vechikamu chedzidzo vakasiyana pamwe nevabereki kuti vaone kuti vana vechikoro vawaniswa midziyo yemhando yepamusoro yekushandisa muzvikoro.

Vakataura mashoko aya apo vaizarura zviri pamutemo mupanda weEarly Childhood Development (ECD) pachikoro cheEaglesvale Junior School, muHarare svondo rapera.

Vanoti vana vose vanofanira kuwana dzidzo yepachena.

“Muzinda uyu wakanaka zvikuru nekuti vana veECD vachange vachishandisa makombiyuta, indaneti nerumwe ruzivo rwechizvino-zvino kureva kuti vadzidzi 60 vachaita rombo rakanaka rekuwana fundo yemhando yepamusoro,” vanodaro.

Vanoti zvakaitwa nechikoro ichi kutsigira Hurumende nemupanda weECD hunova hurongwa hwakatanga mugore ra2004 nekuti zvimwe zvikoro hazvisati zvava nepekudzidzira pakadai.

“Mugore ra2013, takaita kuti Zimbabwe inge ichitambira chirongwa cheECD chinova chava kutanga neECD-A iyo inopindwa nevana vane makore mana ekuberekwa vachizoramba vachienderera mberi nedzidzo yepuraimari kusvika Grade 7. Izvi zvinoreva kuti vana vave kutora makore mapfumbamwe vachiita dzidzo yepuraimari.

“Hatina kuita izvi senzira yekupfidzisa vana, asi takaona kuti kana vakatanga dzidzo yavo vachiri vadiki vanozobudirira kumberi,” vanodaro.

Prof Mavima vanokurudzira vabereki kuti vange vachirwira dzidzo yepachena nekuti inobatsira zvikuru kuvana vanobva kumhuri dzinotambura kuti vawane dzidzo yakaenzana.

“Ibasa redu kuti tinge tichiwanisa zvikoro zvivakwa zvemhando yepamusoro kuitira kuti dzidzo ivandudzwe. Dzidzo inobatsira nyika yose. Kana ikasawaniswa, tinenge tichidzikisira nyika yedu.

“Bumbiro remutemo rinotaura kuti vadzidzi veGrade 1 – 7 vanofanira kutsigirwa dzidzo yavo nehomwe yeHurumende. Tine vana vanobva kunzvimbo dzakasaririra dzakadai seBinga neChimanimani avo vanokwanisa kuita magweta, maengineer nemadhokotera asi vachifunda muzvikoro zvakasaririra, tinovaitireiko?” vanodaro.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×