Mutengo wechibage mutsva wakaziviswa

Tendai Mugabe
HURUMENDE nemusi weChipiri svondo rino yakazivisa mitengo mitsva yezvirimwa zvakasiyana — zvinosanganisira chibage icho chave kutengwa neRTGS$726 patani kubva paRTGS$390 — nechinangwa chekuti varimi vasimukire mumabasa avo.

Mitengo mitsva iyi yakaziviswa negurukota rekufambiswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, apo vaitaura kuvatori venhau muHarare mushure memusangano wedare reCabinet.

Vakavimbisa nyika kuti Hurumende iri kushanda nesimba mukuona kuti Zimbabwe ine chikafu chakakwana zvichitevera gwaro rakaburitswa negurukota reminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva, Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri, iro riri pamusoro pemamiriro akaita zvirimwa mumwaka wa2018-2019.

Cde Mutsvangwa vakazivisa zvekare pamusoro pechirongwa cheHurumende chekuvaka madhamu kumatunhu enyika.

Pamusoro pezvo, vakataurawo nezvebasa riri kuitwa mukuvandudza mimwe migwagwa mikuru munyika.

“Cabinet yakapasisa chikumbiro chakaiswa negurukota rekurima chekuwedzera mitengo yezvirimwa zvakadai sechibage, mbesa diki, gorosi, soya beans nedonje apo chibage nedzimwe mbesa diki zvave kutengwa neRTGS$726 patani, gorosi RTGS$1 089,68, soya beans RTGS$918 patani nedonje RTGS$1 950 patani,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *