Vana vanoyaruka zvakasiyana: Dr Madzima

NYANZVI inoona nezveutano hwemhuri kubazi rezveutano nekurerwa kwevana (director for family health), Dr Bernard Madzima, vanoti vanasikana vanokwanisa kuita pamuviri panguva ipi zvayo, zvikuru apo vanenge vatangisa kutevera.

Vanoti vanakomana vanokwanisawo kuitisa munhukadzi pamuviri apo vanotanga kuyaruka.

“Handina makore andingati mwanasikana anokwanisa kuitiswa pamuviri kana kuti mukomana anokwanisa kumitisa nekuti zvinosiyana. Vamwe vanokasika kutevera vamwe vachinonoka.

“Musikana akangotangisa kutevera zvinoreva kuti anokwanisa kuita pamuviri. Mukomana kana muviri wake uchinge wave kukwanisa kubudisa mbeu dzehubaba zvinoreva kuti anogona kuitisa munhukadzi pamuviri, zvisinei nekuti mudiki zvakadii,” vanodaro Dr Madzima.

Vanoti zvakare havakwanise kuenzanisa kare nazvino kuti vanhu vaiyaruka pamazera api nekuti zvinosiyana munhu nemunhu.

“Nyaya dzekuyaruka vazhinji vanonyara nadzo. Saka havataurire munhu wese-wese, ndizvo zvinoita kuti tinetseke kuziva kuti kukasika nekunonoka kuyaruka ndekupi.” Zvisinei, tsvakiridzo yakaitwa neKwayedza padandemutande inoratidza kuti pane zviratidzo zvekuyaruka kwemukomana kana musikana.

Zviratidzo zvekuyaruka kwevanasikana zvinosanganisira kureba nekuwedzera huremu.

Zvimwe ndezvinoti kumera mazamhu, vhudzi muhapwa nekusikarudzi, kutanga kutevera uye kusanduka kwehunhu, kungave kufara kana kusuwa.

Kusanduka kwemuviri uku kunogona kuvhiringa vana mumafungiro avo kana vakasawaniswa ruzivo rwakakwana.

Kuvanasikana vazhinji, vanotangisa kutevera vave nemakore anobvira pa12 ne13 okuberekwa asi vamwe vanogona kutanga pamakore 16 ekuzvarwa.

Zvakadaro, dandemutande reKidsHealth rinoti vanakomana vanogona kuyaruka pamakore 9 ekuberekwa zvichienda mberi.

Vakomana vanoita zviratidzo zvinosanganisira kusanduka izwi richiita gobvu.

Zvimwe zvacho kumera vhudzi pasikarudzi, muhapwa nepachipfuva nekubuda ndebvu.

Panguva iyi, vamwe vanotangisa kuda kutamba nevasikana vachiedza kupfimba, zvisinei nekuti vanenge vasati vave neruzivo rwakadzama kuti zvakanakirei kana zvazvakashatira.

Iyi ndiyo nguva inofanira kucherechedzwa vana nevabereki kuti vavatsigire mukukura kwavo nekuvawanisa ruzivo rwekuzvibata nezvekushandisa senzira yekuchengetedza utano.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×