Nyore Madzianike
HURUMENDE iri kusimbaradza zvirongwa zvekubatsira vanhu vanenge varumwa nenyoka pamwe chete neimbwa kuburikidza nekuwanisa mishonga yekurapa yakaringana panguva iyo vanhu vanosvika 1 513 vanonzi vakarumwa nenyoka munyika yose kubva mukutanga kwegore rino.
Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Douglas Mombeshora, nemusi weChipiri vakaudza dare reNational Assembly (Paramende) kuti Hurumende iri mushishi yekuona kuti pave nemishonga yakakwana yekurapa vanhu vanenge varumwa nenyoka pamwe chete nembwa.
Vakataura mashoko aya mushure mekunge vamiriri veParamende vanyunyuta pamusoro penyaya dzekurumwa kwevanhu nenyoka pamwe nechimbwamupengo icho chinokonzerwa nekurumwa nembwa.
Dr Mombeshora vanoti kuti Hurumende yakaisa hurongwa hwekurwisa chimbwamupengo nekurumwa nenyoka muhurongwa hukuru hwezveutano munyika.
“Chimbwamupengo pamwe chete nehosha inokonzerwa nekurumwa nenyoka zvinoonekwa sezvirwere zvisinganyanyi kutariswa. Izvi zvinokanganisa veruzhinji vekumaruwa, uye gurukota rezveutano nekurerwa kwevana rakazviisa muchirongwa cheNational Health Agenda kuburikidza nehurongwa hwekurwisa hosha hweNeglected Tropical Disease Master Plan hwegore ra2023 kusvika 2027, uho hwakaparurwa zviri pamutemo muna Zvita 2024,” vanodaro.
Mashoko akaturwa mudare reParamende anoratidza kuti kurumwa nenyoka richiri dambudziko guru kumatunhu akawanda uye kubva kutanga kwegore rino, vanhu 1 513 vakarumwa nenyoka.
“Kusvika pari zvino mugore ra2026, vanhu vakarumwa nenyoka vanosvika 1 513. Dunhu reHurungwe rine 64, Zvimba District 61, Makonde 46, Buhera 43 neBikita District 39.
“Aya matunhu ari pamusoro panyaya dzekurumwa kwevanhu nenyoka uye tiri kusimbaradza zvirongwa zvekuona kuti mishonga yekurapa yawanikwa zviri nyore,” vanodaro.
Dr Mombeshora vanoti nyika yakarekodha nyaya 331 dzechimbwamupengo kuimbwa uye vanhu 17vakafa nechirwere ichi pakati pegore ra2022 naGumiguru 2024.
Manicaland ndiyo ine imbwa dzakawanda dzakaonekwa dzine chimbwamupengo dzinove 126, ichiteverwa neMashonaland East ine 50, Masvingo 44, Mashonaland Central 34, Mashonaland West 28, Midlands 20, Matabeleland South 13, Matabeleland North 12, Harare 4 uye Bulawayo haina kuwana kana nyaya imwe chete yechimbwamupengo.
“Huwandu uhu hunotaratidza kuti chimbwamupengo chiri munyika yedu yose, dunhu reManicaland ndiro riri kunyanya kubatwa nechirwere ichi,” vanodaro.
“Kufa kwevanhu gumi nevanomwe kunomiririra njodzi gumi nenomwe dzinogona kudzivirirwa uye takatsunga kudzivirira kurasikirwa neupenyu kubva zvino tichienda kumberi.”
Dr Mombeshora vanoti pane matanho ari kutorwa ekuti pave nemishonga yakakwana yekudzivirira chirwere chechimbwamupengo pamwe nekurwisa huturu hwekurumwa nenyoka munyika yose kuburikidza neNatPharm nezvimwe zvipatara.
“Panyaya yedziviriro, tiri kuita dzidziso yezveutano pamwe chete nekudyidzana nenharaunda kuti tigadzirise pfungwa dzisiridzo pamusoro pekurumwa nenyoka nechimbwamupengo. Vatungamiriri vemunharaunda (vakadai semadzishe) munzvimbo dzine dambudziko iri vakakosha kushanda navo pamwe chete muzvirongwa izvi,” vanodaro Dr Mombeshora.




