Daphne Machiri
IMWE mhuri igere mubhuku raZhanje, kwaSeke, inonzi yaoneswa chitsvuku nezvinhu zvinovabvutira kudya mumawoko nemundiro vachirohwa nematombo avasingaone kwaanobva uku midziyo ichipiswa nemoto usingaonekwe anoubatidza. Dambudziko iri riri pamusha paVaSteven Muyengwa Zhanje, apo panonzi hapazi kudyiwa rinopisa.
Mhuri iyi inonzi inoerekana yongoona pamatafura pasisina chikafu kana kusimudzirwa midziyo yakaita semasofa ichiiswa pane dzimwe nzvimbo nezvinhu zvisingaonekwe.
Munguva pfupi yakadarika, pane huku nhanhatu dzinonzi dzakamonywa mitsipa nechinhu chisina kuonekwa misoro yadzo ikashaikwa uyewo hapana kuonekwa ropa pahuku idzi.
Kwayedza yakashanyira musha uyu neMuvhuro svondo rapera vatori venhau vapotsa varumiswa nembwa nevamwe vana vepo avo vaisada kuti nyaya iyi iburitswe.
“Imi, ibvai pano tinokudamburisai hembe dzose nembwa. Musatambe nesu pano,” akadaro mumwe mukomana aiva nemhotsi.
Kwayedza yakazokwanisa kutaura naVaZhanje avo vakatsinhira nyaya iyi vachiti kwadarika mwedzi masaramusi aya achiitika.
Mwana wemumunin’ina waVaZhanje, Never Zhanje (40), anoti zvinhu izvi zviri kuitika achiti akazvionera nemaziso ake.
“Nyaya iyi yakatangira kumba kwemwana wababa ava (zita tinaro). Ini ndakazviona matombo achingokandwa kubva paimba diki iri kuvakwa achienda pamusoro asi aikanda wacho tisingamuone,” anodaro Never.
“Sekuona kwangu, izvi zvinobva pakufa kwakaita mumwe muroora wemuno – Millicent Kambarami. Ndipo pakatanga kupotserwa matombo kumba kwemufi uyu kusvikira zvaenda kumba kwababa,” anodaro.
Rimwe dambudziko nderekuti vanhu ava vanowana kudya kwakaita setsvigiri, furawa nehupfu zvakasanganiswa.
VaZhanje vanonzi vakaenda kunogeza vanovigirwa mbatya dzekuchinja zvose nemafuta ekuzora nemunhu wavasingaone.
Magonhi epamba apa anonzi anogona kukiiwa nemukati kana nekunze voshaya makii uye vakatomboenda kunochekesa mamwe vaashaya asi ndokuzokandwa pamakumbo emudzimai waVaZhanje nemunhu asina kuonekwa.
Never anotizve vanhu ava vakangorara muimba yekubikira vanotorerwa magumbeze ose ayo avanozowana akaiswa muchimbini yemba yokubikira.
“Zvimwe zvinoitika ndisipo asi ndinoita zvekungonzwa. Panoti pakauya vanhu vechechi vakaimba vanodairwa netumazwi twevanhu vavasingaone tuchiti, “Halleluya amen, amen, amen!”.
“Chikafuwo chakanga chatengerwa vanhu musi waiva nechechi kuti vagodya vapedza kuimba nekunamata vakazochishaya chose nezvinwiwa zvacho,” anodaro Never.
Mumwe muvakidzani akataurwa naye, uyo asina kuda kuti zita rake ribuditswe, akatsinhira nezvemasaramusi anoitika pamusha uyu.
“Pamba apa pakaoma, pane maminimini ari kuitika. Mumwe musi vakatora mari vachida kutenga chingwa vakazoona $20 yavakange vainayo vasisina,” anodaro.
“Ini ndinoona zvose izvi, hembe dzinotsva dziri mukadhibhokisi dzoita madota asi kadhibhokosi racho haritsve. Moto unongotanga asi hauoneke kwawabva uyewo maketeni anobvira asingatsve uchitoona rimi remoto.”
Dambudziko remusha uyu rinonzi rakamboshevedzerwa vechechi inopindwa nemhuri iyi uyewo n’anga yaida kugadzira musha uyu yakatorerwa tsapo yaive nemakona ikapedzisira yatiza.
Mumwe wevanakomana vepamba apa, Mike Zhanje, akaramba kutaura neKwayedza achiti akarambidzwa nemumwe mukoma wake.
“Ini handizvikwanise, mirirai mukoma (zita tinaro) vachauya musi weSaturday. Hongu, dambudziko riripo asi munofanirwa kutaura naye nekuti akati tisataure nevatori venhau,” akadaro Mike.
VaZhanje vakati pane nedambudziko gukutu pamusha pavo iro ravanoti chivanhu kunyangwe zvazvo vasina kuda kutaura zvakawanda.
“Dambudziko raivapo kubva pakufa kwakaita muroora. Kumba kwake ndiko kwakatanga kupotserwa matombo kuzosvikirawo kuno. Takazofamba zvakagadzirika, raisava dambudziko guru,” vakadaro.




