Kingstone Mapupu
VARUME vaviri vanozviti ishasha pakutamba zvigure vakachipiswa pamhepo panhepfenyuro yeStar FM nemusi weChipiri svondo rino apo vakatadza kuita mapipi avakange vavimbisa. Zvigure izvi zvainge zvauya kunhepfenyuro ine mukurumbira iyi zvichiti zvaida kuratidza masimba azvo nekuita mapipi anotadzisa kushanda kwenhare nemasaisai nyika yose.
Zviri mu”studio” pachirongwa cheTilda Show, umo maivewo nemunyori uno, zvigure izvi zvakatadza kuita zvazvainge zvavimbisa uye zibhegi kana kuti tsapo yazvainge zvaenda nayo zvichiti muzere mishonga inotyisa makazoonekwa kuti mainge muine manhenga ehuku neeshiri nezvimavhudzi zvewivhi.
Svondo rakapera pamberi zvigure izvi zvainge zvamboenda paTilda Show, chirongwa chinoitwa naTilda Moyo-Karizamimba, apo paikurukurwa pamusoro penyaya yakabuda muKwayedza nguva yadarika yemutumbi wemurume aitamba zvigure kuMount Hampden uyo unonzi wakaburitswa nepachisuvi chemba wave kunovigwa setsika yavo.
Zvakadaro, varume vaviri vanoti Benjamin Phiri natsano wake, uvo asina kuzivikanwa zita ravo, vose vanozviti ishasha pakutamba zvigure, vakadzokera kuStar FM neChipiri manheru vachivimbisa kuti vaizota kuti nharembozha dzose dzitadze kushanda.
Asi varume ava, avo vainge vakapfeka “wachi” dzezvimachira zvitsvuku, vakatadza kuita mapipi avo apo vaive vaine chibhegi chavaiti ndicho chine nemishonga yekuitisa mashura aya.
Munyori uno nevatereri vaichaya nhare nekunyora paWhatsApp vakavhundutsirwa nezvigure zvichiti kumunyori weKwayedza asavhure chibhegi chainzi chaive nemishonga.
Munyori uno haana kutya, sezvo akavhura chibhegi ichi ari pamhepo kudaro, ndokuona chizere kuti kabu nevhudzi rekugadzira rewivhi, manhenga ehuku nemamwe eshiri.
Varume ava vakazovhundutsira mutori wenhau uno vachiti “achazviona” nekuda kwekuvhura bhegi uko akaita asi vasingataure zvaaizosangana nazvo.
“Muchaona zvenyu! Zvaitwa nemurume uyu (Mapupu) kuvhura bhegi redu rinoyera hazviitwe. Haribatwe nemunhu wose-wose. Izvozvi tichasangana weekend tichiita nyaradzo yemurume akafa iyeye wamakanyora watakaburitsa nepamusoro pemba, achazviona chete,” akadaro mumwe wavo.
Karizamimba akavabvunza matanho avaida kutorera munyori uno asi vakaramba kutaura.
Vatereri veStar FM vakabva vatanga kutumira mashoko vachishora maitiro evarume ava.
Zvichakadaro, varume ava panhepfenyuro apa vakabvunzwa pamusoro pezvakawanda zvinonzi zvinoitwa nezvigure zvakaita sekudya nyama yehuku mbishi izvo vakabvuma uyewo vakati vane mishonga yekutora vana mudumbu memadzimai akazvitakura vachizovadzosera. Vakati zvakare vanokwanisa kumutsa vanhu kumakuva vachivashandisa mumabasa avo ezvigure.
“Chigure hachisi munhu asi kuti ihomwe, zvakangofanana nevanhu vanosvikirwa. Kumakuva ndiko kwatinotambira mitambo yedu, hatina basa nekuti makuva evatorwa. Vana tinotora mudumbu tichizovadzosera, harisi dambudziko.
“Tine mishonga yakawanda, yakanaka neyakaipa, hatizvirambe asi hatisi varoyi. Munhu akapunzika achidzingirirwa nezvigure chironda chaanoita hachipore,” akadaro Phiri.
Zvisinei, varume ava vakazobuda munhepfenyuro vakatsamwa vachiti mutori wenhau uno aive ashora chivanhu chavo apo akavhura bhegi ravo ravaiti rine mishonga.
Vatereri vanonzi vari kuridza nhare nekutumira mashoko kuStar FM vachida kuziva kuti mutori wenhau uno, uyo akavhundutsirwa nezvigure izvi, ari sei.




