Taponesa mafundisi: pfambi

‘Vanopedzera nyota yavo kwatiri’
‘Havadi kushandisa makondomu’
Malven Mugadzikwa
CHIKWATA chevanhukadzi vanoita zvechipfambi kuMt Darwin chinoti chinoda kuwaniswa mukana wekuti chidzidzise veruzhinji, zvikuru kumachechi, pamusoro peHIV neAIDS nekuti chinoti nhengo dzacho dzine ruzivo rwakadzama pamusoro pedenda ranetsa iri. Pfambi idzi

dzinoti vakuru vemachechi semafundisi nemafata vanoparidza zvavasingaite, sezvo masikati vachinge vari kuchechi asi manheru voita zvechipfambi.

Vakadzi vasinganyare kubuda pachena ava vanoti pane mafundisi nemafata (mazita vanawo) vari “kuponera” kwavari kana pari panyaya dzebonde.

“Pane mufundisi wandakabatsira aive nezvinhu zvinenge hohwa kusikarudzi kwake. Ainyara kuenda kuchipatara nenjovhera yake.
“Pavanhu vatinoshinha navo pane mafata, mumwe wacho wekuChinhoyi, nemafundisi vatinorara navo pasina dziviriro. Fata uyu anotova nembiri kuno, anogara akauya tichimuponesa nyota yake uye zita rake tinaro,” akadaro mumwe wechikwata chepfambi idzi uyo akaramba kudurwa nezita.

Akati vanhu vekumachechi ava vari kutora hosha dzakaita senjovhera neAIDS kupfambi vachinozora veruzhinji avo vanofunga kuti vakuru vemachechi vanhu vakachena pazviito, naizvozvo havana hosha.

“Mafundisi iwaya unozonzwa kuti atora mukadzi wemunhu, adanana nekasikana kadiki, apa ambobva nekwatiri. Zvinoitawo here izvozvo. Kuparadzira hoshaka uku?”

Mutungamiriri wechikwata cheTakangwarira, icho chinoshandira panzvimbo yepaMadondo, Sylvia Kandeya (51), anoti iye nevamwe vake vanoda kupihwa mukana wekunzwikwawo nevekumachechi pamwe chete nevemunharaunda mukupa dzidziso maererano nenyaya dzekutapurirwa kwezvirwere zvepabonde.

Kandeya, uyo anozivikanwa nezita rebasa rekuti “Saddam”, anoti ndiye mutungamiriri wechikwata chepfambi ichi uye vanomutevera vanomudaidza vachiti “Dispo”, kureva kuti ndiye anovaudza zvekuita.

“Kwakawanda kwatiri kunzwa kuti vafundisi vabata vanamati zvibharo kana kutora madzimai evanhu. Vava kuzadzana zvirwere pachezvavo mukunamata imomo, zvimwe zvacho zvavari kutora kwatiri.

“Ini ndave nemakore 18 ndiri mubasa iri, ndaona nekudzidza zvakawanda. Tinodawo mukana wekuparidza nezvekudzivirirwa kwezvirwere zvepabonde kuvafundisi ivavo sezvavanoitawo kune vavanotungamirira,” anodaro Kandeya.

Kandeya anoti mukuita basa ravo, vanosangana nevafundisi vachiita navo zvepabonde, vamwe vacho vachiramba kushandisa dziviriro yemakondomu.

“Dambudziko rine vamwe vafundisi nderekuti havasi pana Mwari, vari kutsvaga kurarama. Vamwe vacho tinovanzwira tsitsi nekuti vanouya vaine zvirwere zvepabonde nekuti vanenge vava kunyara kurapwa nekuda kwezvigaro zvavo.
“Isu mutemo wedu pano ndewekuti pasina makondomu hapana bonde,” anodaro.

Kudzanai Muropa, uyo anove mumwe ari muchikwata ichi, anotsinhira mashoko aKandeya achiti vari kuedza napose pavanogona kuita bonde rakadzivirirwa.

“Varume vazhinji vanonetsera kuda bonde risina kudzivirirwa kunyangwe ukamuudza kuti une chirwere. Kazhinji kacho ndinotozouya nemapiritsi angu, maARV, ndonwa achiona. Ndipo paanozotya ipapo.

“Dai vanhu vekumachechi vatigamuchirawo varega kutisema kana kutiparidza zvisirizvo kuti vanzwewo pfungwa dzedu maererano nezveutachiona hweHIV neAIDS. Tiri kuwana zivo kuburikidza nemasangano akasiyana iyo isiri kuwanikwa nevari kumachechi zviri kuita kuti vamwe vavo vawire muchirwere nekusaziva.

“Kana vemasangano akaita seNational AIDS Council dai vanangawo zvakanyanya chero nevemachechi nekuti mafundisi tiri kuvapa bonde mumabhawa umu asi vekumachechi kwavo havana chavanoziva,” anodaro Muropa.

Kwayedza yakashanyirawo nzvimbo inogara Saddam nevamwe vake uko kunonzi wose anoda kuita zvechipfambi anofanirwa kunyoresa zita rake kuna Saddam sezvo ari iye mukuru wepfambi idzi.

Vose vanonyoresa mubhuku rake vanonzi vanofanira kubhadhara $5 pazuva kumukuru wavo uye kugara pamba pake vachimupa mari yerendi $35 pamwedzi pamunhu.

Saddam akatsinhira mashoko ekuti anonyoresa vose vanenge vauya kuzoita chipfambi panzvimbo iyi. Anoti zvakare vanoda kuita zvechipfambi vachigara apa vanobhadhara rendi kwaari sezvo ari iye muridzi wedzimba dzavanenge vachisasana vari.
Anoramba mashoko ekuti anopihwa $5 pazuva nevanenge vachiita chipfambi.

“Isu mutemo wedu muno ndewekuti wose auya muno anofanira kunyoresa. Izvi tinozviitira kuti tipote tichinowana dzidziso takaungana uye kuti munhu wose auya muno tizive kwaanobva nekwekushandira. Patinonyora mubhuku tinenge tichivabvunza mibvunzo yakawanda, kana vari vatsva mubasa iri tomboedza kukurudzira kuti vamire basa irori.

“Asi kana munhu azorambawo tinomugamuchira. Hapana chinonakidza pachipfambi, kungotsvaga mari chete. Chishuviro chedu ndechekuti dai tasiya basa iri tawanirwawo mabhindauko kuti tione zvimwe zviri nani zvekuita muupenyu,” anodaro mukadzi ane muvisi mukuru uyu.

Hurukuro nepfambi idzi yakaitwa apo sangano reNational Aids Council (NAC) rainge richishanya nevatori venhau mudunhu iri vachiona zvirongwa zvakananga kurwisa dambudziko reHIV neAids.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *