Varimi vefodya vanyora nhoroondo . . . goho radarika 300m kgs

Munyori weKwayedza

MWAKA wekutengeswa kwefodya wa2025 wakapera zviri pamutemo nemusi waChina svondo radarika mushure mekunyora nhoroondo apo varimi vakawana mari inosvika US$1,2 bhiriyoni kubva pamakgs 352,7 miriyoni echirimwa ichi, kambani yeTobacco Marketing Board yakazivisa.

Mutengo wepakati nepakati waive US$3,32 pakg uyo wakaderera zvishoma kubva paUS$3,43 pakg mumwaka wapfuura.

Mutengo wepamusoro-soro wakawanikwa pamisika wakasvika US$4,99 pakg, ukuwo varimi vekondirakiti vakawana mutengo wepamusoro weUS$6,30 pakg.

Mwaka uno, indasitiri iyi yakanyora nhoroondo mushure mekudarika goho refodya raitarisirwa remakgs 300 miriyoni mugore ra2025.

Pari zvino nyika yave kunangana nekuwana goho rinosvika makgs 400 miriyoni panosvika gore ra2030. Mumwaka wa2022/23 na2023/24, fodya yakaendeswa kumisika yaive makgs anosvika 296 miriyoni ne231,8 miriyoni zvichiteverana.

Munyori mukuru mubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Professor Obert Jiri, vanorumbidza varimi nebasa rakanaka ravakaita izvo zvakaita kuti vawane goho repamusoro.

Vanoti mwaka uyu wakabudirira zvakanyanya muindasitiri yezvekurima.

“Mwaka wekutengesa wa2025 wakabudirira zvikuru muchikamu chekurima nekudarika makgs 300 miriyoni aitarisirwa.

“Kubudirira uku kunoratidza chiitiko chakakosha, uye nekusimbaradzwa kwerutsigirwo rwemari, kugadzirisa uye zvirongwa zvekondirakiti, chikamu ichi chakatarisana nekubudirira kukuru. Iye zvino zvatawedzera goho, tine chinangwa chekuvandudza chirimwa ichi kuti zvivandudzewo mihoro,” vanodaro.

Prof Jiri vanoti panyaya yekuvandudza fodya, nyika pari zvino yave pachikamu che10,15 percent, kubva pa8,8 percent muna2023.

“Hurumende nemamwe mapoka ainoshanda nayo vari mushishi kuti vasvike pachikamu che30 percent chekuvandudzwa kwechirimwa ichi munyika muno zvichifambirana nechirongwa cheNational Development Strategy 1 (NDS1),” vanodaro.

Mutungamiriri wesangano reTobacco Farmers Trust, VaEdward Dune, vanoti mwaka uno wakapera zvine mutsindo nekunyora nhoroondo apo goho rakadarika remamwe makore adarika.

“Nhoorondo itsva yanyorwa nekuda kwemwaka wakanaka maererano nekunaya kwemvura pamwe nemamwe mabasa akanaka ekurima.

“Tine zvichemo zvishoma zvine chekuita nekunonoka kubhadharwa kwevarimi sezvanga zvichiitika makore apfuura, asi dambudziko guru nderekukwira kwemitengo yezvekushandisa nezvisungo zvekondirakiti,” vanodaro.

“Pakuenderera mberi, munamato wedu kuti mutemo uchangobva kuziviswa weAFC buffer fund policy ubudirire uye ununure indasitiri kuburikidza nekuwana mari nekubatsira vanowana raramo kubva mukurima fodya.”

Zimbabwe inyika yechishanu mukurimwa kwefodya pasi rose, chinzvimbo chayakawana kuburikidza nekushanda nesimba kwevarimi vanodarika 140 000 vachibatana nemapoka ose ezvefodya.

Fodya inowanisa nyika mari inopfuura US$1 bhiriyoni kuhupfumi pagore, izvo zvinoita kuti ive iyo inotungamira muchikamu chezvekurima uye nekuwanisa raramo yekumaruwa.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×