Kingstone Mapupu
MUKADZI wekuSouthlea Park, muHarare, anoti akanyatsoona varoyi vaviri parufu avo vakadzima mwenje wemakenduru aiva akavhenekeswa mumba maiva nechitunha vanhu vaivemo ndokuita bararamhanya kutiza. Kubva paitika mashura aya, mukadzi uyu anoti ave kungosangana neminyama, inosanganisira kunzi “hero, hero” nemurume wake nevana vachimupumha huroyi.
Anoti ave kugara achiona zvinhu zvakasiyana zvinotyisa mumaziso ake izvo zvaanofungira kuti zviri kukonzerwa nechiitiko ichi.
Mai Grace Gochera (52) svondo rapera vakazozvipira kuKwayedza vachitsvaga rubatsiro vachiti mashura akaitika nguva pfupi yadarika kumusha kwemurume wavo mubhuku raMataranyika, kwaNenguwo, kuMarondera, aya avashaisa rugare.
Amai ava mudzimai waVaNoah Bangure (57) avo vanotsinhira matambudziko avave kusangana nawo kubva paitika izvi.
“Ndaiva panhamo nevamwe tirere apo ndakaona vakadzi vaviri vandinoziva uye hama vachipinda mumba vasina kupfeka vaine tsero. Pavakandiona, vakaridza tsamwa ndokubva vataura zita rangu ndokudzima makenduru aivamo panguva imwe chete, ose ari mashanu.
“Kudzima kwacho vakangosimudza mawoko mudenga panguva imwe chete ndokubva mumba maita inenge mhepo kana kuti chamupupuri pakati pehusiku zvikamutsa vamwe vaiva vakakotsira.
“Ndakazobvapo ndave kuita sendairasa pfungwa uye kubva pachiitiko ichi kusvika nhasi uno, ndinongopomerwa nyaya dzandisina kuita.
“Vana vangu chaivo vava kunditi ndiri muroyi asi ini handizvizize. Vana vose havachauya pamba pedu vachiti vanotya kuroiwa neni,” vanodaro Mai Gochera. Vanhu vandainge ndirere navo mumba umu vanoti vakanzwa mhepo huru nekungoona madzengerere evanhu vaiita sevaimhanya. Ini ndini ndakasanganidzana maziso nevaroyi ava. Vakataura ipapo kuti vaida kundipedzisa rimwe ziso rangu nekuritushura semunhu ndine ziso rimwe chete.”
Mai Gochera vanoti varoyi ava havana kuonekwa mumba umu apo vamwe vakaita zvivindi ndokubatidza mwenje zvakare.
“Murume wangu nevana vose vave kunditi muroyi, kusanganisawo hama dzemurume. Ndave kuona zviri nani kuti ndiende kumusha kwangu kwaMutoko.
“Ndinoda kuti huroyi hwacho kana huripo hubviswe nekuti baba nevana vave kumhanyira kumapositori voga ini ndisipo.”
Mudzimai uyu anoti kana hama dzake dzave kumutiwo akatora zvikwambo kuSouth Africa uko aimbonohodha zvinhu zvekutengesa.
“Mapositori anouya pano vanonditi ndiri muroyi, zvikuru venguwo tsvuku ava. Mufiriji yangu itsva inonzi ine bhodhoro rine ropa revanhu nemishonga, hamheno kana mishonga iyi ndichiisirwa ndisingazive pamwe,” vanodaro.
Mai Gochera vanoti mari yavo yaperera kumaporofita nemun’anga vachitsvaga kuti dambudziko iri rivaperere.
“Izvozvi tine mumwe watakapa $160 nemumwe $300 achiti aida kunobvisa nyoka inonzi iri kumusha. Mumwe ari kuda $500, baba havachaenda kubasa asi mari yavo yavakamirira yepenjeni iri kunzi kana yauya itange yamboendeswa kunoyereswa kumasowe,” vanodaro.
Mai Gochera vanoti kare vaimboita zvechivanhu.
“Murume wangu ndiye airidza mbira sezvo vamwene vangu vaisvikirwa. Tose taiita zvemishonga tichigezeswa mishonga yechivanhu. Machira emidzimu aiva pano akatorwa nemapositori, hamheno pamwe ndipo panobva kunzi ndiri muroyi.”
VaBangure vanoti havana rugare pamusha pavo nemudzimai pamwe nevana.
“Dambudziko mumba medu tinaro, tinoda kubatsirwa. Ichokwadi kuti vadzimai vangu vanonzi muroyi nevana. Kare taimboita zvechivanhu, amai vangu vaiva n’anga asi takazorega saka tinoda kubatsirwa,” vanodaro.
Vanotsinhirawo nyaya yekuti mudzimai wavo akaona varoyi panhamo kumusha kwavo nguva yakadarika.
Vana vemhuri iyi vamwe vacho vari kuSouth Africa uko vanonzi vanotumirawo mari kuti ibatsire kupedza dambudziko iri.
Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vagona kuridza nhare panhamba dzinoti 0784 456 934.



