Varume 2 vabata musikana chibharo pamusoro peguva

Arron Nyamayaro

VARUME vaviri nemusi weMugovera wadarika vakaita majana ekubata chibharo musikana ane makore 18 okuberekwa apo mudiwa wake aiona pamusoro peguva kumarinda eGranville Cemetry kana kuti Kumbudzi muHarare.

Musikana uyu nemudiwa wake vaifamba vese nguva dzave kuma8pm.

Pavakasvika paGranville Cemetery, vakasangana nevarume vaviri avo vakavabvunza zvitupa zvavo.

Vakaraira mukomana wake kuti agare pasi ndokumurova pahuma nechinhu chisina kuzivikanwa.

Mumwe wevarume ava, akadhonzera musikana uyu pamusoro peguva apo vakachinjana kumubata chibharo pasina dziviriro.

Mushure mechiitiko ichi, mabhinya maviri aya akarova musikana uyu mumusoro nechinhu chisina kuzivikanwa zvekare achibva adonha ndokufenda.

Akazobengenuka ndokuenda nemukomana wake kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaZRP Southlea Park.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanotsinhira vachiti inyaya mbiri dzekubatwa chibharo dzakaitika kumakuva mamwe chete uye pazuva iri.

‘‘Mapurisa ari kuferefeta nyaya mbiri dzekubatwa chibharo  apo varume vaviri vakachinjana kubata vakadzi vaviri panguva dzakasiyana kumakuva mamwe chetewo,” vanodaro Insp Chakanza.

‘Vakabatwa chibharo ava vakaperekedzwa kuEdith Opperman Clinic kunoongororwa nanachiremba.

‘‘Munyaya yechipiri, mukadzi ane makore 26 okuberekwa akabatwa chibharo nevarume vaviri ava kusvikira afenda.

‘‘Mumhan’ari akanga abva kumba kwake achisiya mwana ane mwedzi minomwe yekuberekwa achienda kwaBoka netsoka kuma11 manheru.

‘‘Vari kupomerwa mhosva vakaradzika mumhan’ari pamusoro peguva nechisimba, ndokumubvisa hembe nechisimba uye ndokumubata chibharo vachichinjana pasina kudzivirira.

‘‘Semapurisa, tinoramba tichikurudzira vanhu kuti vasiyane nekufamba munzvimbo dzakavandika munguva dzehusiku.

‘‘Tinoda kuyambira vakapara mhosva kuti ruoko rwakareba rwemutemo rwuchavabata zvechokwadi’’, vanodaro Insp Chakanza.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×