Varume vaviri votarisana nemhosva 101 dzekuba US$2 miriyoni

Kingstone Mapupu

VARUME vaviri vakamiswa mudare reMbare Magistrates Court nekuda kwemhosva 101 dzekubira veruzhinji mari inosvika US$2 miriyoni nechikiribidi.

Vakasungwa ava ndiAggripa Chivende (42) naAudious Rungano (32) avo pakutanga vaipomerwa mhosva 48 dzehuwori ndokuzokwira kusvika pa101 apo mapurisa vaifambira mberi nekufeya nyaya iyi.

Mutauriri wechikamu chemapurisa chematikitivha eCriminal Investigations Department (CID), Detective Inspector Rachel Muteweri, vanoti vaviri ava vakasungwa nemusi wa17 Zvita vachipomerwa mhosva yekubira vanhu vakatsaukana vachishandisa chikiribidi.

“Vanonzi vaibira vanhu kubva mumwedzi waKurume mugore ra2021 kusvika musi wa15 Zvita 2025 vachivhevhetedza varimi, vatengesi venharembozha, vanotengesa midziyo yemudzimba nevemabhizimisi madiki neari pakati nepakati avo vanoshambadza zvinhu zvavo padandemutande,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Vanonzi vaishandisa motokari dzavaihaya dzakaita seToyota Hilux neToyota Fortuner idzo vaizoisa nhamba pureti dzechitsotsi dzinoti AFT7973, AET3904 neAFZ8507.

“Vaviri ava vaienda kuvanhu vavaibira ava vachiita sevanoda kutenga zvinhu zvavo apo vaizovavhiringidza pakuedza kutengeserana vovapa mari yemanyepo vakaisanganisa nemari chaiyo vakaisa mumabhanduru,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Mukufeewa kwenyaya iyi, zvinonzi kwakawanikwa mari yechitsotsi inokwana kuita US$543.

“Nyaya dzehuwori dziri kupomerwa varume vaviri ava dzakambotanga dzichisvika pa48 dzikazowedzera kusvika pa101. Vaviri ava vakatombomiswa kekutanga mudare redzimhosva reMbare Magistrates Court nyaya dzavo ndokudarikidzwa mberi, vakachengetedzwa muchizarira mapurisa achifambira mberi nekufeya. Zvakabuda kuti mari yavakabira vanhu inosvika US$2 000 080 uyewo kwakawanikwa US$1 700,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Mapurisa anoyambira veruzhinji kuti vangwarire zvakanyanya munyaya dzekutengeserana sezvo makoronyera awanda munyika ayo anoda kudya zvavasina kurima.

Related Posts

Mwedzi 6 mujeri afukunura guva ratete

Munyori weKwayedza MURUME wekufukunura guva ravatete vake achida kutora maringi avo emuchato ayo aifunga kuti vakavigwa nawo, Challenge Jasi (38), akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu nedare reMurehwa Magistrates Court. Jasi,…

Ndinobva kuGokwe uye ndinodada nazvo: Rev Chivaviro

Mathew Masinge MUIMBI wenziyo dzechitendero ane mikurumbira uyo ahwina mibayiro yakawanda, Reverend Togarepi Chivaviro, anotenda kuti aita zvakakwana mukurwisa maonero asina kunaka anoitwa neveruzhinji pamusoro pevagari vekuGokwe, kudunhu reMidlands. Rev…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×