Indasitiri yekofi yagadzirira budiriro huru

Tapiwanashe Mangwiro

INDASITIRI yekofi inogona kubudirira zvakanyanya kana nyika ikakwanisa kuvandudza chirimwa ichi chichigadziriswa zvinhu zvakasiyana-siyana kana zvichienzaniswa nekungochitengesa kunze chakadaro, izvi zvakabuda muongororo yakaitwa yeAkribos Research Industry Report.

Gwaro iri rinosimbisisa kuti danho iri rakakosha kuitira kuti varimi nevamwe vari mubhizimisi rekofi vakwanise kuwana pundutso nekutengesa kunze panguva iyo vanotenga chirimwa ichi pasi rose vari kuronda kwachinobva.

Ongororo yeAkribos inotaridza kuti pane umbowo hwekuti nyika iri kurasikirwa nemari yakawanda yekunze apo iri kutengesa chirimwa chekofi chakadaro chisina kuvandudzwa.

Pamusoro pezvo, gwaro iri rinoti Zimbabwe ine mukana wakakura wekusimukira zvichitevera kudiwa kwekofi kunyika dziri kumatunhu anosanganisira Europe neAsia-Pacific.

Nyika inonzi iri kurasikirwa kwete nekuda kwemhando yechirimwa ichi, asi nekuperevera kwezvikwanisiro zvekuti chinge chichivandudzwa chichigadziriswa zvinhu zvakasiyana-siyana.

“Zimbabwe yagara inobura mhando yepamusoro, mukaha uripo pakuvandudza nekutumira kunze,” rinodaro gwaro iri.

Vari mubhizimisi rekutenga kofi pasi rose vari kuda kuziva nzira yakajeka yekunobva zvigadzirwa zvekofi, panguva iyo Zimbabwe iri kuramba ichitumira chirimwa ichi kunze chisina kuvandudzwa izvo zviri kuita kuti nyika irasikirwe nekuwana mari yakawanda.

Akribos inoti pane zvinhu zvitatu zviri kuita kuti nyika ive nekurasikirwa uku.

Chekutanga kushaikwa kwenzira yekuongorora mhando yekofi inodiwa nguva nenguva nemisika yekunze.

Senzira yekuvhara mukaha uyu, panofanirwa kuve nemizinda yekuongorora kofi uye ichizivikanwa kwainenge yabva.

Chechipiri, kushaikwa kwemari yekufambisa basa muindasitiri iyi.

“Chikamu ichi chinoda mari yakaringana yekushandisa nekukasika yekutenga kofi kuvarimi,” inodaro Akribos.

Kubhadharwa nekukasika kwevarimi kunonzi kunobatsira zvakare mukuronda kunobva kofi iyi uye zvichisimbaradza nyaya yekuti ive yemhando yepamusoro.

Mukaha wechitatu kusavandudzwa kwekofi ichigadziriswa zvimwe zvinhu.

Akribos inoti zvakakosha kuti nyika ikwanise kuvandudza chirimwa ichi kuitira kuti isangorambe ichichitengesa chakadaro kunze.

“Kutsigira izvi nemari hazvibvi pakuve nefungidziro chete, zvinoenderara nezviri kudiwa vevatengi sezviri kuonekwa mumisika yakasanangurika,” inodaro Akribos.

Hurongwa hweZimbabwe Coffee Sector Road Map hune chinangwa chekuti pange pachiburwa huwandu hwekofi hunokwana matani 5 000 pagore panosvika 2039, izvo Akribos inoti zvinokwanisika kana pakave nekutsigirwa kweindasitiri iyi nemari yekushandisa.

Nerimwe divi Horticultural Development Council inoti indasitiri iyi inoda rutsigirwo rweUS$22 miriyoni, izvo zvinotsigirwa zvakare neongororo yakaitwa iyi.

“Tinotarisira kutsigirwa kwechikamu ichi neUS$22 miriyoni, yekubatsira zvinosanganisira kuvandudza nekutengesa kunze uye zvichiitwa kuburikidza nemubatanidzwa,” inodaro Akribos.

Kana rutsigirwo urwu rwukawanikwa, nzvimbo iri kurimwa inokwanisa kuwedzerwa kubva pamahekita 600 kuenda pamahekita 1 000 mukati menguva diki-diki, izvo zvinoita kuti paburwe matani 2 000.

Kusvika 2030, kuwedzerwa kwemahekita anenge achirimwa kusvika pa5 000 kunogona kuita kuti paburwe matani anodarika 10 000, zvichisimudzirawo hukoshi hwekutengesa kunze kubva paUS$1,3 miriyoni muna2024 kudarika US$50 miriyoni.

Akribos inosimbisisa kuti mamiriro akaita nzvimbo yeEastern Highlands iri kuManicaland, anopa Zimbabwe mukana wakakura wekusimukira kwekurimwa kwekofi, asi ndokuyambira kuti zvakakosha kuti pave nekutevedzwa kwegwara rinodiwa mushure mekukohwewa kwechirimwa icho kuitira kuti pasave nekurasikirwa nebudiriro inenge yavapo.

“Chinonyanya kudiwa imhando yepamusoro kwete huwandu,” inodaro Akribos.

Ongororo iyi inoburitsawo pachena zvakare njodzi yekuramba Zimbabwe ichitengesa chirimwa chekofi chisina kuvandudzwa kunze.

Pasina kuvandudzwa kwekofi munyika, varimi vacharamba vakatarisana nenyaya yekusagadzikana kwemitengo uye kusave nesarudzo yekwavanoda kutengesera.

Akribos inoti zvakakoshawo kuti pave nemitemo inosimbaradza kusimukira kweindasitiri yekofi nakuvepo kwemamiriro ezvinhu anoita kuti makambani akazvimirira atsigire chikamu ichi.

Kuti budiriro iyi ivepo, Akribos inokurudzira kuti pave nemizinda inovandudza kofi uye ichizotengesa zvigadzirwa izvi muZimbabwe pamwechete nekunze.

Izvi, inodaro, zvinofanirwa kutsigirwawo neongororo yakasimba kuitira kuti paburwe mhando yekofi inodiwa nemisika yepasi rose.

Pamusoro pezvo, panofanirwa kuve nerutsigirwo rwemari yekufambiswa kwebasa iri.

“Zimbabwe yagara inobura mhando yekofi inodiwa mumisika. Mukana uripo uye zvinoda kuitwa chete kuvandudza chirimwa ichi kwachinorimwa,” inodaro Akribos.

Ongororo iyi inotaridza kuti kukukwidza kweindasitiri iyi mune remangwana hakubve pakuwedzera huwandu hwekofi, asi mukuvandudzwa kwayo.

Related Posts

Mudzimai (36) odzipwa nevanhu vasingaonekwi

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 36 okuberekwa anogara kuHatcliffe Extension, muHarare, anoti ayaura nekurumwa nezvinhu uye kudzipwa nevanhu vaasingaoni, rinova dambudziko rakatanga mushure mokunge anetsana nemumwe mukadzi pamusoro pemurume wavaidanana…

PSL yaranga DeMbare, Hardrock

Abel Ndooka PREMIER Soccer League yaranga zvikwata zvinoti Hardrock FC neDynamos pamwe chete nachamangwiza weHardrock FC – Kudzanai Hove – zvichitevera mhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium nemusi wa24 Chivabvu apo pakasangana…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×