Vatatu vasungwa nemhosva yehukopokopo

Kingstone Mapupu

VANHU vatatu vakasungwa kuShurugwi kuMidlands nemhosva yekubira vanhu mari nehukopokopo izvo zvakaona vachiba mari inosvika US$17 009-50 neZiG30 665912-30.

Vakasungwa ndiTranos Taurai Muzanenhamo (27), Rumbidzai Tsongora (24) naBradwell Shangwa (25) nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekuita hukopokopo vachibira vanhu kumativi mana enyika.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanoti vatatu ava vaitanga vatsvaga mazita evanhu vachishandisa masaisai uye vaizokumbira vanhu ava kuti vavaudze mashoko anosanganisira mararamiro avo nekuvakumbira maSim Card avo vachiti vanoda kuvapa matsva.

“Nekudaro vaibva vawana mashoko emafambiro anoita mari dzevanhu ava dzemumabhanga akasiyana, vowanawo manhamba emakaundi emabhanga nemaWhatsApp Profiles evanhu nekutora mari dzavo mumabhanga nekukumbira zvakare mari kuvanhu ava,” vanodaro Comm Nyathi.

Vanoti nemusi wa31 Gumiguru gore rino, mapurisa eZRP Shurugwi vakashandisa hunyanzvi hwebasa ravo kutevera maguruvhani aya ndokunovasunga kuShurugwi vakavanda mune imwe lodge.

“Motokari yavo yavaishandisa yerudzi rweToyota Mark X pakutiza yakazotsvagiwa ikawanikwa umo makazoonekwawo muine makechemu kana kuti simbi dzemapurisa uyewo nezvitupa zvevanhu vakasiyana zvenhema, maSim Card, nhare dzakawanda nemichina yeStarLink,” vanodaro Comm Nyathi.

Vatatu ava vanonzi vane mhosva dzinokwana 29 dzavakapara dzine chekuita nekuba vachishandisa hukopokopo uye vakaba mari inosvika US$17 009-50 neZiG30 665912-30. Mhosva idzi dzinonzi dzakaparwa kunzvimbo dzinosanganisa Bulawayo, Harare, nekune mamwe maguta akatsaukana.

“Nyaya iyi iri kufambira mberi nekufeewa pachitarisirwa kuti pachabuda mhosva dzakawanda dzakaparwa nevanhu vatatu ava,” vanodaro Comm Paul Nyathi.

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×