Mushonga wenjuga, divisi wapanduka kuita zvidhoma

Kingstone Mapupu

MURUME wemakore 71 ekuberekwa anobva mumusha waSabhuku Chironga kwaMambo Dotito kuKaranda, kuMt Darwin anoti atambudzwa nemushonga wedivisi rekurima uyewo nemumwe wekuti ahwinhe pamutambo wenjuga zvichitevera kupanduka kwayakaita kuita zvidhoma izvo zvava kushungurudza mhuri yake.

VaKosamu Mazemba vanoti semunhu anova murimi, vakaenda kune imwe n’anga yemudunhu mavo vachida kuzvisimbisa munyaya dzekurima donje.

Vanoti panguva iyi, chirimwa ichi chaiva nemari zvikuru.

“Ndakaenda kun’anga uku mudzimai wangu nemhuri vasingazive ndokunotaurira n’anga iyi kuti ndaida divisi rekurima. Ndakapihwa mushonga wekamudzi uyo ndakanzi ndinocherera pachivanze nepakati pemunda. Kubva ipapo, ndakatanga kukohwa donje rakawanda raitangira pamabhero 15 kusvika 20 ndichidarika vamwe vose,” vanodaro VaMazemba. Vanoti panguva imwechete iyi, vaikohwawo ngoro 17 kusvika 20 dzechibage.

Vanoti izvi zvakarakidza kushanda kwaiita mushonga wedivisi uyu.

VaMazemba vanoti mushonga wedivisi vakanga vapihwa mhiko dzekuti vaisafanirwa kubuda nemoto panze kana kukuhwidza moto panze pachivanze.

Vanoti mhiko dzemushonga wedivisi uyu dzakazofumuka apo vakakanganwa ndokupota vava kubuda nemoto panze uyewo vachikuhwidza moto panze zvakare.

“Panguva imwechete yandakanotora mushonga wekurima uyu, ndakaendawo kune imwe n’anga ndikanotsvaga mushonga wekutamba njuga kana kuti makasa. Ndikapihwa dumwa zvakare rekamudzi iro ndakanzi ndinosungirira paruoko kubendekete rangu rekurudyi mukati mehembe pandinenge ndichitamba njuga. Mushonga uyu chokwadi waiita kuti ndikunde vamwe vose vandaitamba navo,” vanodaro VaMazemba.

Vanoti panguva iyi, vaihwinha mari yaigona kudarika US$60 panguva imwechete.

Mari iyi vanoti yaive yakawanda kumakore iwayo sezvo yaigona kutenga mombe dzaidarika gumi panguva imwechete.

“Mushonga uyu waigara muhomwe, ndakanga ndapihwa mhiko dzekuti waisafanirwa kubatwa nevanhukadzi. Nerimwe zuva, ndakazokanganwa ndikabvisa tarauzi rangu ndokusiya mushonga uyu muhomwe uchibva wabatwa navadzimai vangu vakauwachira nekuurasa, zvose zvakabva zvafumuka ipapo,” vanodaro VaMazemba. Vanoti mishonga iyi yakabva yapanduka kuita zvidhoma izvo zviri kushinha nevanasikana vavo.

“Mari yose yandakawana kubva mukurima nemukutamba njuga hapana zvayakanditengera. Mombe dzandiinadzo ndakadzisiirwa nababa vangu, ndikatengawo dzimwe nemari yekushanda. Mishonga iyi yafumuka, muminda mukatanga kusabuda chinhu uye kunjuga ndava kudyiwawo. Mukufamba ndakanzi mishonga iyi yakapanduka kuita nezvidhoma zvinorara nevanasikana vangu,” vanodaro VaMazemba.

Vanoti vanasikana vavo ndivo vakatanga kuuya kwavari vachivataurira kuti vaivarota vachiita bonde navo nguva nenguva.

“Mumwe wevanasikana vangu akatanga kurwara zvakadarikidza achiperezeka muviri apo aindirota ndiichita bonde naye. Takazofamba zvikabuda pachena kuti mishonga yangu miviri iyi ndiyo yakanga yapanduka kuita zvidhoma zvinoita vanasikana vangu madzimai,” vanodaro VaMazemba. Vanoti mumwe wevanasikana vavo akafa zvisina tsarukano nekuda kwedambudziko rezvidhoma iri.

“Vanasikana vangu vanga vachinetsana nevarume nekuda kwezvidhoma zvinoshinha navo izvi. Ini ndakabvuma nyaya iyi kumhuri yangu, kusanganisira mudzimai nevana. Ndakatengesa mombe yekuti mishonga iyi ibviswe nenyanzvi, dzakaita izvi kunyange tichiri kubatsirwa,” vanodaro VaMazemba. Kwayedza yakawana mhuri iyi iri pane mumwe musha pairi kugara kuMt Darwin vachibatsirwa kuti dambudziko iri ripere.

“Ndinokumbira ruregerero kuvanasikana vangu nemudzimai nedzimwe hama dzose nekuda kwedambudziko randakaunza mumusha iri. Kune vamwe vanababa, ndinoyambira kuti musaende kudzin’anga muchinopihwa mishonga yamusingazive zvainoreva nekuti inopanduka. Honai vanasikana vangu vanotambura nekuda kwemishonga yandakatora iyi. Ngatitsvagei mari nekushanda kwete kutsvaga mishonga,” vanodaro VaMazemba.

Mumwe wevanasikana waVaMazemba anoti akarwara zvikuru mushure mekugara achirota baba vake vachishinha naye.

“Baba takazovavinga tikataura navo vakambotanga vachiramba nyaya yemishonga yavo iyi, vakazobvuma pekupedzisira ndokukumbira ruregerero kwatiri tose vanasikana,” anodaro.

Anoti zvidhoma izvi zvinoita kuti vagare vachibva pamiviri, kutangira pechitatu.

“Kuratidza kuzvipira kwababa vedu mukupedza dambudziko iri, vakatengesa mombe yavo kuti tiwane mari yekufamba nayo tichigadzirisa dambudziko iri. Zvidhoma izvi zvationesa nhamo kushinha nesu pamadiro, zvanga zvakonzera varume kuda kutitiza.

Sewangu, ava kutodzoka izvozvi nekuti akambenge atiza,” anodaro mwanasikana uyu.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×