Tendai Gukutikwa
MUNYAYA inoshamisa, vavakidzani vaviri vekuRedwing Mine kuPenhalonga, kwaMutare vakaendesana kudare reMambo Mutasa mushure mekunge mumwe wavo atora mvura ine tsvina yaive yagezwa nemumwe iyo anonzi aida kuishandisa mumabasa ane chekuita nehuroyi.
Nyaya iyi yakaitika pakati paTambudzai Charachimwe naPrisca Nhinga iyo yakakwezva mhomho yevanhu kudare iri vachida kunzwa zvaitora nzvimbo.
Charachimwe akaudza dare kuti Nhinga akatora mvura yaaive ageza achida kumushereketera.
Asi Nhinga anotiwo akatora mvura iyi sehuchapupu hwekuti achenurwe pane zvine chekuita nemweya.
Charachimwe anoti chiitiko ichi chakatora nzvimbo apo akapedza kugeza kuti aende kurufu ndokuudza mwana wake kuti anorasa mvura iyi panze.
Anoti akashamisika kuona Nhinga achidyorera mvura iyi mubhodhoro ndokubva aenda nayo mumba make.
“Akanga ari mangwanani apo ndakagezera mukati memba yangu sezvo ndaida kuenda kurufu. Ndakaudza mwana wangu kuti arase mvura yacho yaive netsvina panze. Tinogara tichiirasira panze ipapo. Mwana wangu paakadzoka, akandiudza kuti Nhinga aive adyorera imwe yemvura yacho ndokuisa mubhodhoro uye ndokuenda nayo mumba make.
“Ndakaenda ndikanomubvunza uye akabvuma kuti akatora mvura iyi, akabva aimwaya kwatiri apo paine nevamwe vafakazi,” anodaro Charachimwe.
Anoti vemhuri yake vagara vachirasira mvura iyi panzvimbo iyi kubva kare apo Nhinga aive asati atanga basa rake remusika nechepedyo.
“Akatanga kutengesera pedyo nenzvimbo iyi mushure mekunge ndamumhan’arira nekuda kwezvaakaita. Anongoda kumonyorotsa nyaya iyi kuti zviite sendiri kumuroya,” anodaro Charachimwe.
Achipawo divi rake, Nhinga anotsinhira kuti akadyorera mvura iyi uye nekuda kwechikonzero chaanoti chine musoro.
“Ndinoita zvemusika wekutengesa pamba pangu uye nzvimbo yavanorasira mvura ndipo chaipo pandinotengesera zvinhu zvangu. Zuva nezuva, ndinovaona vachikanganisa nzvimbo yandinotengesera vachirasira mvura ine tsvina,” anodaro.
Nhinga anoti murume wake akambobvunza Charachimwe pamusoro penyaya iyi.
“Pazuva iri, ndakafunga kudyorera mvura yacho nekuti ndaida kuenda nayo kumuporofita kuti ndinonzwisisa kana yaishandiswa kundikuvadza kana kukanganisa basa rangu. Ndaive nemufungo wechokwadi nekuti iyi haiisisiri nyaya yehutsanana chete, panoita sepane zvimwe zvakadzika-dzika zviripo,” anodaro.
Nhinga anoti nyaya iyi haizi yekuita zvedambe nayo sezvo anonzwa vamwe vanhu vachitaura kuti mvura yagezwa nemumwe munhu inogona kutorwa ikashereketerwa.
Mambo Mutasa vakashoropodza zvakanyanya madzimai maviri aya nekuda kwehunhu hwavo.
“Ndinoda kuti varume venyu vauye kudare rangu nekuti nyaya iyi haizi yenyu muri vaviri chete. Hamungazvipembedze muchitaura nyaya dzehuroyi pano. Kana muchida, mungazvipembedze muchitaura nyaya yemari kana budiriro kwete zvehuroyi. Kutora mvura yagezwa nemunhu hazvina kumbosiyana nekutora mvura yagezeswa chitunha kana ivhu repanzvimbo yatsikwa netsoka yemunhu, chinangwa chacho nguva dzose chagara hachina kunaka,” vanodaro Mambo Mutasa.
Vakaudza Charachimwe naNhinga kuti vadzoke kudare nevarume vavo munguva pfupi iri kutevera kuitira kuti nyaya iyi ipedze kutongwa.



