Zvakanakira mhodzi dzemanhanga

Zviri muGapu na Muchaneta Chimuka

MHODZI dzemanhanga dzakakangwa usavi hwakanaka zvikuru uye hunovaka muviri sezvo dziine mapuroteni neiron yakawanda izvo zvinobatsira mukurwisa zvirwere pamwe nekuwedzera ropa.

Svondo rino VaJohn Gangata vekuMasvingo vanorondedzera imwe nzira yekukanga mhodzi dzemahanga.

Zvinodiwa:

Mhodzi dzemanhanga, munyu, mvura, majarini, rwayenga kana pani.

Makangiro:

Tora rwayenga kana pani yakachena ugadze pamoto.

Isa twumajarini twushoma wosiya twuchinyunguduka.

Kanda mhodzi dzemanhanga wodzikanga.

Isa munyu wakasangana nemvura pashoma-pashoma uchikanga.

Ita kuti dzisare dzakatsvukira uye dzaoma.

Kana zvadai chibura udye nemhuri.

Mhodzi dzemanhanga dzinodyiwa nesadza jena kana dzakadaro uchinwira-nwira nemvura kana mahewu.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *