SANGANO rakazvimirira reZimbabwe Rural Schools Trust rakavamba chirongwa chekuvaka dzimba dzekuverengera (libraries) muzvikoro zviri kumaruwa kumatunhu akasiyana enyika nedonzvo rekusimudzira dzidzo.
Vachitaura nguva pfupi yadarika pakuparurwa kwechirongwa cheZivamidziyako Project muguta reHarare, nyakuvamba Zimbabwe Rural Schools Trust, VaDriden Kunaka, vanoti zvakakosha kuti dzidzo yezvikoro zviri kumaruwa ifanane neyemumaguta.
“Donzvo nderekuti dzidzo iri kupihwa nezvikoro zvemumadhorobha ifanane neyekumaruwa,” vanodaro VaKunaka.
“Vana vekuzvikoro zvekumaruwa vanofanirwa kuwana mabhuku akakwana uye nemukana wekushandisa dandemutande pakudzidza (E-Learning).
“Hakuna mwana dofo nekudaro kuvakwa kwedzimba dzekuverengera idzi kune donzvo rekusimudzira fundo,” vanodaro VaKunaka.
Zvimwe zvezvikoro zvakatobatsirwa nemabhuku nemari yekuvaka dzimba idzi zvinosanganisira Nyamasanga Secondary School, Chitomborwizi Secondary School izvo zvose zviri kuMashonaland West neSt Peters Tokoyo Primary, kuNyazura.
“Mabhindauko atiri kuita ndeekusimudzira kuvakwa kwedzimba dzekuverengera, zvakare nekupa mabhuku anodiwa kubva gwaro reECD.”
Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru weZimbabwe Rural Schools Trust, Dr Solomon Guramatunhu, vanoti chimwe chinangwa chavo ndechekusimudzira nyaya dzeutano muzvikoro.
“Takabatana nekambani yeChandiwana Memorial Foundation mukucheresa zvibhorani pazvikoro zvakaita seMsasa puraimari nesekondari kuChivhu nedonzvo rekuvandudza hutsanana muzvikoro sezvo riri dambudziko guru kune zvimwe zvikoro zvekumaruva kuti zviwane mvura yokunwa yakachena,” vanodaro Dr Guramatunhu.




