MHURI yemudzimai wekupurazi rePeter kana kuti Amalinda padyo neBudiriro 4, muHarare, uyo anoti anoona baba vake vakafa kare, iri kukurudzirwa kuti itsvage rubatsiro nekuchimbidza.
Netsai Rusenza (27) anoti ari kugara achiona baba vake vakafa kare zuva rakacheka nyika, achitotaura navo.
VaGeorge Kandiyero (40), avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti dambudziko rakatarisana nemukadzi uyu rine chekuita nechivanhu.
“Ichokwadi kuti vashakabvu vanogara vainesu nguva dzose mukurarama kwedu. Vanotichengeta semidzimu asi kuzovaona vari munyama ivo vakafa pane chirevo chinotyisa isu vapenyu. Vedzinza remukadzi uyu ngavafambe vagadzirise nyaya iyi,” vanodaro VaKandiyero.
Vanoti baba vemukadzi uyu, sezvo vachinzi vakafa vachiita zvekuroyiwa, vanogona kunge mweya wavo uchitandidzirwa nevanhu vakavauraya.
“Vafi vanofanirwa kuuya kwatiri vari mweya kwete kuti vari vapenyu sezvo zvichishura. Ichi chatova chipoko kana chadaro uye kana vachikwanisa ngavarove guva vatanga vafamba vozoita bira remusha nevedzinza vose. Zvisinei kuti baba ava vanouya vachitaura mashoko akanaka, vachaguma vauraya mwana uyu,” vanodaro.
Madzibaba Elias Gomwe (40) veJohane Masowe yeChishanu kuChitungwiza, vanoti mufi haafanirwe kuonekwa ari panyama.
“Isu pachinamato chedu tinoti mufi haafanirwe kuonekwa nemutowo upi nekuti tinoti mweya wakaipa. Afa, afa haafanirwe kudzoka kuvapenyu. Amai ava vari kuona baba vavo vari vapenyu uyu munyama mukuru, ngavabatsirwe,” vanodaro Madzibaba Elias.




