Lizzy Mushoriwa
VAVAKIDZANI vakanyandurana nenyaya yekuitirana makuhwa zvikaita kuti mumwe wavo apotera kudare achiti ave kutya kuti anogona kuuraiwa.
Chenai Mwale akamhan’arira Alex Nyamadzawo kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza achimupomera kuti anomuitira makuhwa.
“Mambo wangu, baba ava vanondituka uye kunditi vanoda kundiuraya. Handidi kuti auye kumba kwangu achiita mhirizhonga izvo zvaanogara achiita kana adhakwa, saka ndinoda gwaro reruranyararo,” anodaro Mwale.
Nyamadzawo anoti haapikise nechikumbiro chaMwale asi nyaya yavanogara vachinetserana ndeyekuti ane makuhwa zvikuru.
“Ini handipikise chikumbiro chake asi kuti anonyepa mukadzi uyu, ane makuhwa asingaite uye makuhwa ake iwayo ndiwo akaita kuti ndiende kumba kwake kunomuudza kuti zvawaita handina kuzvifarira. Akambondisungisa andinyepera kuti ndamurova ini ndisina, ndakangomutyisidzira kuti asarambe achiita makuhwa chete,” anodaro Nyamadzawo. Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mwale gwaro rerunyararo.




