Vodzidzisa vana nemari yemasawu

VAMWE vabereki vekumaruwa ekuMushumbi, kuGuruve, vari kuita mabhindauko akaita sekutengesa muchero wesango wemasawu, mari dzacho vachiendesa vana vavo kuchikoro.

Kwayedza yakashanyira dunhu iri nguva pfupi yadarika ndokuita hurukuro nevamwe vagari veko, avo vanoti vari kuwana pundutso kubva mukutengesa muchero uyu.

Mai Linda Mutukudzi (37), vanogara kwaIshe Matsiwo, vanoti vave nemakore anodarika gumi vachitengesa masawu.

“Muno mune majiri kana kuti masango makuru kwazvo azere misawu. Saka kwatiri tinototi chikomborero chikuru nekuti tiri kuwana mari yekuendesa vana kuchikoro. Pasvondo rimwe chete ndinowana US$30 kana kudarika. Mugomo wemasawu unoita US$5 kuchizoti dhora kana twuri twumadhishi twudiki,” vakadaro.

Vanoti vanofumira mumasango kunonhonga masawu zvisinei nekuti mumajiri aya munonzi mune mhuka dzinorura semapere, shumba nenzou.

“Nekuda kwenhamo uye shungu dzekuti vana vadzidzewo sevamwe, tinopinda musango kunotsvaga masawu nekuti ndicho chikomborero chatakapihwa naMwari,” vakadaro.Mai Amai Trish Karimanzira (36), vekwaMudyavanhu kwaShe Matsiwo zvakare, vanoti vanohodha masawu kune vanenge vafumira kunonhonga.

“Ini hangu ndinotyira upenyu hwangu nekuti mhuka dziri kupoya kwadzinochengetwa dzichiuya kuvanhu saka ndinohodha masawu ndichinotengesa.

‘‘Ndine vana vaviri vave kusekondari nemari dzemasawu,” vakadaro Mai Karimanzira.

Vanoti matambudziko avari kusangana nawo ndeekushomeka kwevatengi.

“Vatengi vemasawu kuno vashoma nekuti kure nedhorobha. Zvinotoitawo neraki kana kuchinge kwaita zvirongwa zvinoita kuti vanhu vanobva kuHarare nemamwe madhorobha vauye kuno. Pamazuva anoitwa zvirongwa nemitambo yakasiyana ndipo patinowana vatengi vakawanda,” vakadaro.

Mashoko avo akatsinhirwa naMai Zeripa Manyika (38), vemudunhu rimwe chete iri, vachiti vanoendesawo vavo vana kuchikoro nemari yemuchero uyu. Muno hamuna mamwe mabhindauko akakura kunze kwemasawu nedonje. Zvino donje racho rinorwadza kurima uye mutengo yaro uri kuramba uri pasi zvinotiodza moyo.

‘‘Pafungei kuti kg yedonje iri kutengwa neUS0,30c, unenge warima makg mangani kuti uwane mari yechikoro neyekudya kwemhuri?” vakabvunza.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×