Vodzidziswa kuchengetedza zviwanikwa

Daphne Machiri
MASANGANO akasiyana ari kubatana mukudzidzisa vana vechikoro kukosha kwekuchengetedza zviwanikwa zvakaita semasango, mhuka, ivhu pamwe nemiti pasi pechirongwa cheEco-Schools Programme. Chirongwa ichi chiri kutungamirirwa neMukuvisi Woodlands yabatana nemamwe masangano anosanganisira Evironmental Management Agency (EMA), Zimbabwe National Water Authority (ZINWA), National Parks and Wildlife Management Authority, European Union, Practical Action neUnicef

Zvikoro zvinodarika 70 kubva kumatunhu akatsaukana eZimbabwe sekuManicaland, Mashonaland West, Mashonaland East neHarare zvakasangana muHarare nguva yadarika pazuva rekucherechedza kukosha kwekuchengetedza zviwanikwa.

Muhurukuro neKwayedza, regional director wePractical Action, VaKudzai Marovanidze, vanoti chirongwa ichi chakakosha sezvo vana vachidzidziswa zvakawanda pamusoro pekuchengetedza zviwanikwa.

“Nharaunda inofanirwa kuchengetedzwa zvakanaka nekuti upfumi hwenyika hunobva mukuchengetedza zviwanikwa zvakaita semhuka, zvicherwa pamwe nemasango,” vakadaro.

Vanoti vari kudzidzisa vana zvakare pamusoro pekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze sezvo izvi zvichikanganisa kunaya kwemvura nekudaro vanofanira kukura vaine ruzivo pamusoro pemamiriro ezvinhu.

“Tinokurudzira kuti vana muzvikoro vave nemakirabhu ekusima miti, kunhonga marara, kurima nekuchengetedza ivhu,” vakadaro VaMarovanidze.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×