Voyamwisira vana pabasa

KAMBANI yeLafarge Cement Zimbabwe iri kusimudzira utano hwevashandi vayo vechidzimai zvichitevera kuvaka kwayakaita dzimba dzekuti vanhukadzi vakwanise kuyamwisa vana pamwe nekuchengetera mukaka panguva iyo vanenge vari pabasa.

Vachitaura nguva yadarika vari kumuzinda wekambani iyi, chamangwiza wayo, Mai Amal Tantawi, vanoti zvakakosha kuti utano hwevanhukadzi husimudzirwe mumabasa.

“Takabatana nebazi rinoona nezveutano nekuchengetedzwa kwevana, kambani yeLafarge Cement Zimbabwe takavaka dzimba dzekuti madzimai ayamwisire vana nekuchengetera mukaka,” vanodaro.

“Takaita tsvakiridzo tikaona kuti vanhukadzi vanoyamwisa vange vasiri kupihwa kodzero dzavo dzizere mumabasa uye vamwe vaipedzisira voyamwisira vana vavo muzvimbuzi, nzvimbo dziri pachena panenge paine mhepo kana huruva. Saka ndizvo zvakaita kuti tivakise dzimba idzi.”

Vana vanoyamwiswa ava vanenge vauya sezvakaita nevasikana vebasa vanosevenzera madzimai anoshandira kambani iyi.

Vanoenderera mberi vachiti chishuwo chavo kusimudzira utano hwevanhukadzi mumabasa.

“Vana amai vanhu vakakosha chaizvo saka sekambani tine magwaro emutemo ayo anotsigira madzimai akazvitakura kusvika panguva yavanoenda kunobatsirwa zvakare nemwedzi yavanogara kumba vachichengeta vana kusvika pakudzoka kubasa,” vanodaro Mai Tantawi.

Vanoti dzimba dzekuyamwisira idzi dzine zvinosanganisira mafiriji ekuisa mukaka, pekugara pakanaka uye chipatara chiri pedyo.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×