Wakandizadza chirwere’

Lizzy Mushoriwa
MUDZIMAI wekuenda kudare achida kutorera aimbova murume wake gwaro rerunyararo akazoshaya pekupinda nekunyara apo akafumurwa kuti akange oda kumutiza mushure mekumuzadza chirwere.

Lucias Spanera akamhan’arira Trust Muradzikwa kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza kuburikidza nekumurova nekumutuka.

“Changamire, ndoda gwaro rerunyararo kuti baba ava vasandishungurudza. Anondituka nekundirova, pari zvino hatisi kugara tese asi anongondishungurudza chete,” anodaro Spanera.

Muradzikwa anopikisana nechikumbiro chaSpanera achiti iye ndiyi ari kutomushungurudza nekumuzadza chirwere kwaakaita.

“Ini ndinopikisana nechikumbiro chake nekuti haachada kugara neni. Hama dzake dzinomuudza kuti handina mari, ndokusaka ava kunyepa kuti ndinomushungurdza uye akandizadza chirwere.

“Izvozvi ndava murwere pamusana pake, nhasi ave kuti haachandida? Ndakambozama kuenda kumapurisa kuti tigadziriswe asi hapana chakabuda.

‘‘Izvozvi kumba kwangu kune zvinhu zvake zvaakasiya iye akaenda nezvanguwo. Ndiye anotondishungurudza nekuda kwechirwere chaakandipa,” anodaro Muradzikwa.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Spanera gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *