Zvichangobuda . . . .   Musoro ndewaTapiwa: DNA

Munyori weKwayedza

MASHOKO achangobuda ari kuti dehenya iro rakawanikwa mazuva mashomanana mwana wekwaMurehwa, Tapiwa Makore Jnr (7), achangobva mukupondwa nderemusoro wemwana uyu.

Tapiwa Makore (Jnr) akapondwa munaGunyana gore rapera, mutumbi wake ndokunhongwa usina musoro, maoko nemakumbo.
Mukuferefetwa kwenyaya iyi nemapurisa, pakazowanikwa mimwe mitezo inosanganisira chanza cheruoko, makumbo ayo ainge akakandwa muchimbuzi ikoko kwaMurehwa nedehenya remusoro.

Pakazotangwa ongororo dzekuda kuona kuti mitezo iyi inowirirana here nemutumbi uyu zvikabuda zvichiti makumbo nechanza cheruoko ndezvaTapiwa Jnr apo ongororo dzedehenya dzaifambira mberi.

Zvino zvinonzi ongororo dzazoburitsa kuti dehenya iri – iro rainge rakatokonorwa zvose maziso, muromo nenzeve – nderemusoro wemwana wekupondwa uyu.

Panotove nevanhu vane chitsama vakasungwa nekuda kwekupondwa kwemwana uyu avo vari kusanganisira babamukuru mukoma wababa vake uye sazita Tapiwa Makore Snr (57) nemufudzi wake wemombe Tafadzwa Shamba pamwe chete naThanks Makore.

Kubva gore rapera papondwa mwana ange achidzidza pachikoro cheNyamutumbu Primary School uyu, mutumbi nemitezo yakawanikwa hazvisati zvavigwa uye vemhuri yekwaMakore vari kuronga kumurongedza kupera kwemwedzi uno.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, havasati vataura pamusoro penyaya ino.

Zvakawanda zviri kutevera.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×