Zvikoro 42 zvakapihwa mabhuku

Takunda Maodza

KANZURU yeBritish Council Zimbabwe yakapa mabhuku ekuverenga kuzvikoro 42 zvekuChimanimani ndokukurudzira mamwe masangano epasi rose kuti abatsire zvikoro zviri mudunhu iri izvo zvakasangana nedambudziko remafashamu emvura yaive nedutumupengo, yeCyclone Idai.

MuChimanimani mune zvikoro 101 zvepuraimari nesekondari.

Chikoro chepuraimari choga-choga chakawana mabhuku 300, kuchitiwo zvesekondari zvakawana mabhuku 200 ekuverega pachikoro.

Vachitaura pakupihwa kwemabhuku aya paBiriiri High School, director weBritish Council Zimbabwe muZimbabwe, VaRoland Davies, vanoti vakabatana nemamwe masangano mukubatsira zvikoro izvi zvichitevera dambudziko razvakasangana naro rekuparadzwa nemvura kwemidhuri, midziyo nezvimwe.

“Takanzwa zvakaitika muzvikoro tikaona kuti zvakakodzera kutsvaga vatinodyidzana navo veBook Aid International avo vakakasira kuunganidza mabhuku,” vanodaro VaDavies.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zvakatora nguva yakareba kuti mabhuku aya asvike kuno asi pari zvino zvanaka nekuti kuvakwa patsva kwezvikoro zvakaparadzwa kwava padanho repamusoro.”

VaDavies vanoti vacharamba vachibatsira zvikoro izvi.

“Ino inguva yakanaka kuona rutsigiro rwakadai. Tichaongorora kuti nderupi rumwe rubatsiro rwatingapa, kunyanya nekuvandudza ruzivo rwevadzidzisi nevakuru vezvikoro.

Zvakaitika mudunhu rino zvinotyisa uye zvakakosha kuti masangano anobatsira pasi rose akaita seBritish Council nemamwewo ayamure. Dzidzo ndiwo musimboti weupenyu hwevanhu,” vanodaro.

Vachitaurawo pagungano iri, munyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Mai Tumisang Thabela, vanotenda rubatsiro urwu.

“Nhasi izuva rakakosha muchikamu chedzidzo mudunhu reChimanimani. Nderimwe zuva raratidza kushanda kwatiri kuita sebazi takamirira Hurumende nemamwe masangano atinodyidzana nawo akaita seBritish Council Zimbabwe pamwechete neBook Aid International.

Izvi zvinoratidza kuti matambudziko edu seManicaland uye seChimanimani haana kukanganikwa,” vanodaro.
Vanoenderera mberi vachiti, “Zvinoratidzawo kuti vakaona matambudziko atakasangana nawo sedunhu panguva yeCyclone Idai. Izvi zvakaita kuti masangano aya auye pedyo nesu kuburikidza nerubatsiro urwu.

Naizvozvo tichamira nemi semhuri imwe chete munyaya dzedzidzo kusvika matambudziko ari kuno apera.”

Provincial Education Director kuManicaland, VaEdward Shumba, vanotendawo rubatsiro urwu.

“Mabhuku aya apihwa kuzvikoro 42 zvepuraimari nesekondari. Zvikoro zvizhinji zvepuraimari zvapihwa mabhuku akawanda ekuverenga ayo achabatsira vana kuti vafarire kuverenga,” vanodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *