‘Odiridza’ gadheni remuriwo neweti

Hazel Marimbiza

MURUME anogara kuMpopoma Flats, muguta reBulawayo, anoti ari kuoneswa moto nemuvakidzani wake uyo ane katsika kekuitira weti mugadheni rake rine muriwo izvo zvave kuita kuti atambure chekudyisa sadza.

Hlanganiso Mokwena akataura mashoko aya mudare reWestern Commonage Courts mushure mekumhan’arira Webster Masikati achiti ari kumushungurudza zvikuru nekuitira weti mumuriwo wake.

Anoti izvi zvakatanga apo vakatukana zvakaipisisa asi ndokuzoyanana.

Apo Mokwena aifunga kuti pavakatukana zvakapera, Masikati akabva ava nedzimwe pfungwa dzekumupfidzisa ndokutanga kuitira weti mugadheni rake.

Mokwena – uyo akaona kuti haangagari mazuva akawanda asingadyi muriwo wemugadheni make — akabva aenda kunomhan’arira Masikati kudare reWestern Commonage Courts.

“Masikati ane tsika yekuwetera mugadheni mangu. Upenyu hwakaoma mazuva ano uye ndinorarama negadheni rangu irori panyaya dzeusavi hwekudyisa sadza.

Saka zvinondishungurudza kana Masikati achiitira weti mugadheni remuriwo wangu,” anodaro Mokwena.

Anoti Masikati ane tsika yekutambira mugadheni make nekujamba achitsika-tsika muriwo wake.

“Masikati anogara muimba yemudurikidzwa iri pamusoro peyangu, ini ndinogara nechepasi paimba imwe chete iyi.

Anosvetuka kubva pamusoro pane imba yake achitsika muriwo wangu. Paanodzika pasi anobva atsika-tsika muriwo wangu.

“Zvakare anorasira marara ake mugadheni mangu. Dai dare randibatsirawo akwanisa kundipa rukudzo. Haafanire kujambira kana kuitira weti mugadheni rangu rine muriwo,” anodaro Mokwena.

Masikati anoti Mokwena ndiye ari kutadza kumuratidza rukudzo semuvakidzani wake.
“Zvose zvaari kutaura ndezvekunyepa. Chokwadi ndechekuti iye ndiye asina rukudzo pavanhu vatinogarisana navo uye anoita sekunge ndiye muridzi wenzvimbo yatinogara,” anodaro.

Mutongi Urgent Vundla akati Masikati anofanira kusiyana netsika yekutuka nekumbunyikidza Mokwena uye oregedza kupinda mugadheni make.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *