Zvikoro nemakoreji 100 zvichavharwa

VAVALERIO Mukova
VAVALERIO Mukova

ZVIKORO nemakoreji zvinodarika 100 zvakazvimiririra zvemuHarare bedzi zvingangovhariswa mushure mekunge zvakundikana kuita zvose zvinodiwa nemutemo kuti zvinge zvichishanda. Danho rave kutorwa neHurumende iri rinogona kukanganisa dzidzo yevana sezvo zvikoro nemakoreji izvi zviri kunzi zviri kushanda zvisiri pamutemo mushure mekunge zvakundikana kubhadhara mari yazvinofanirwa kubvisa pagore rega-rega.

Mutevedzeri wemukuru wedzidzo mupurovhinzi yeHarare, VaValerio Mukova, vanoti zvakakosha kuti vakuru vezvikoro vatevedzere zvose zvinodiwa nebazi ravo kuitira kuti zvikoro zvinge zvichishanda zviri pamutemo.

VaMukova vanoti bazi ravo harifariri kuti zvikoro zvivhariswe sezvo matanho akadai achikanganisa dzidzo yevana. Asiwo, vanoti mutemo unofanira kutevedzwa.

“Tiri kukurudzira vabereki kuti vatange vaongorora kuti zvikoro zvavanoendesa vana vavo zvine marezinesi here uye zvakanyoresa here nebazi redzidzo nekuti hazvibatsire kuisa mwana pachikoro iye achizotambura kuti anyore bvunzo dzeZimsec nekuti zvikoro izvozvo hazvitenderwe kunyorerwa bvunzo dzakakosha kudaro,” vakadaro VaMukova.

Pasi pemutemo weEducation Act Chapter 25.04 Section 44, makoreji nezvikoro zvose zvakazvimirira zvinosungirwa kunge zvichibvisa mari yakatarwa gore negore yerezinesi kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari.

VaMukova vakati makoreji anosanganisira First Choice Learning Centre, Herentials-Glen View, Belvedere Learning Centre neZimbabwe College of Secretarial haana kubvisa mari inodikanwa kuti aite zvidzidzo naizvozvo ari kuzovharwa kana mari iyi isina kubhadharwa.

Vakati vakuru vezvikoro izvi vaifanira kubudira vabereki pachena kwete kuti vaendese vana vavo pazvikoro zviri kuita zvidzidzo zvisiri pamutemo sezvo vanozonetsekana vave kutsvaga dzimwe nzvimbo apo zvinenge zvavharwa.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×