Zvikoro zvokasika kuvharwa

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti zvikoro zvichakasika kuvharwa nemusi wa26 Chikunguru uye danho iri rakatorwa kuitira kupa mukana kuitwa kwesarudzo musi wa30 Chikunguru.

Munyori mukuru webazi redzidzo, Dr Sylvia Utete-Masango, vanoti zvikoro zvichazovhurwa musi wa4 Gunyana apo pachatanga temu yechitatu kuitira kudzorera nguva inenge yarasika kuburikidza nekuchimbidza kuvharwa kwazvinenge zvaitwa.

“Zvichitevera kuziviswa kwekuitwa kwesarudzo musi wa30 Chikunguru 2018, bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rinozivisa kuti zvikoro zvichavharwa temu yechipiri musi weChina 26 Chikumi uye zvichizovhurwa mutemu yechitatu musi weChipiri 4 Gunyana 2018.

“Kuvhurwa kwezvikoro mutemu yechitatu kuchakasika sedanho rekudzorera nguva inenge yarasika nekuchimbidza kuvharwa kwazvinenge zvaitwa mutemu yechipiri.

‘‘Pamusoro pezvo, zvikoro zvinofanira kuve nezvirongwa zvekuona kuti hapana mwana ari kuzokanganisika dzidzo yake,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Zvikoro zvaifanirwa kunge zvichivharwa musi wa9 Nyamavhuvhu uye zvichizovhurwa musi wa11 Gunyana asi mazuva aya akasandurwa nekuda kwesarudzo dzichaitwa munguva pfupi iri kutevera.

Zvikoro zvakawanda zvinenge zvichishandiswa senzvimbo dzekuvhotera musarudzo iyi.

Pasarudzo idzi pachavhoterwa mutungamiriri wenyika, vamiriri vedare reParamende nemakanzura.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *