Zvinhu zvekuyemura

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tinopedzisa mhinduro yemubvunzo watakatanga svondo rakapera wakanzi;

Sarudza nhetembo imwe chete iri muna Rukuvhute yawakayemura. Zvino chijekesa zvawakayemura zvacho pamwe nezvidavado zvakashandiswa mairi.

Nhetembo yandakafarira inonzi Tete ndoenda. Nhetembo iyi ine dingindira rekurayira. (Iyi ndiyo nhetembo yakasarudzwa kuti ipindure mubvunzo uno chete. Iwe unogonawo kusarudza yako asi inofanira kunge ichibva muna Rukuvhute.)

Chimwe chandinoyemura mudetembo mashoko anotaurwa natete vanyanduri ekuti rudo harunei nekupihwa zvipo sepanonzi, “Rudo nezvipo zvakasiyana, kutengerwa hembe nemukomana harusi rudo.”

Ndinofarira pfungwa inobuda mudetembo yekuti nyanduri akaratidzwa dzimwe hama dzemukomana anoda kumuroora sepaanoti, “Shamwari nehanzvadzi dzake dzose vakataurirwa kuti ndini muroora.”

Chandinoyemura rudo rwuri pakati panyanduri nemukomana wake runoonekwa nepose panoti mukomana wake akamuona anobva afaranuka sepaanoti, “Izvozvi kundiona ndangoti pfacha wake moyo unoti bha-a.”

Ndinoyemura mashoko anotaurwa natete vanyanduri ekuti mukomana waanoda kuti amuroore haasati adanana naye zvekusvika pakunyatsozivana naye sepanonzi, “Makanamatirana zuro uno uyu, hausati wamuziva kwazvo Farai wacho.”

Ndinoyemurawo mashandisirwo anoitwa zvidavado mudetembo iri natete vanyanduri zvakaita sechidavado chemubvunzonhando sepanzonzi, “Ko ukawana kumba kwavo vachidya sadza nenyama yevanhu?”

Nyanduri anondifadza paanoshandisa chidavado chechikuwo sepannoti, “Aiwa kani, tete!”

Ndinoyemura chidavado chenyaudzosingwi chinoshandiswa nanyanduri paanoti, “Izvozvi kundiona ndangoti pfacha.”

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×