$2 800 chikwereti chemendenenzi

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuNorton akamiswa mudare reChitungwiza Magistrate’s Courts neaimbova mudzimai wake achipomerwa mhosva yekusabhadhara mari yemendenenzi izvo zvaita kuti chikwereti chake chisvike $2 880.

Givemore Muchenje (30) akamhan’arirwa kudare iri naLynn Ruduvo (28) wepanhamba 26691 Unit B, kuChitungwiza.

Mutongi wedare iri, Oliver Mudzongachiso akamuti adzoke kudare munguva pfupi iri kutevera apo kutongwa kwenyaya yake kuchaenderera mberi.

Muchenje ari kuramba mhosva iyi uye magwaro ekubhengi uko akanzi aise mari yemendenenzi akaburitswa mudare seumboo.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa anoudza dare kuti nomusi waKurume 26 2017, dare rimwe chete iri rakapa Muchenje mutongo wekuti abhadhare $180 pamwedzi yekuchengeta mwana waakaita naRuduvo, asi iye anonzi haana kuita hanya nazvo.

Zvinonzi kubvira mumwedzi waChikunguru gore rapera kusvika Gunyana gore rino, chikwereti chake chemendenenzi chakwira kusvika pa$2 880.

Muchenje ari kutongwa nemutemo weSection 23(a) of the Maintenance Act Chapter 5:09 “Maintenance Defaulter”.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *