murume hutu nasisi

Gamuchirai Muzanenhamu

VANHU vaiva mudare vakashamisika apo vakanzwa kuti mumwe mudzimai akasiyira munin’ina wake murume achityira kuti angatizwe apo akaenda mhiri kwemakungwa asi iye zvino avo kumuda sezvo akadzoka.

Izvi zvakabuda muHarare Civil Court mushure mekunge Linda Saruchera amhan’arira mukoma wake, Lilian Sefu, achiti ari kumushungurudza.

“Anouya kumba kwangu ndisipo achipwanya mahwindo nemaTV uye ndikafona ndichibvunza kuti azviitirei, anondituka.

‘‘Ndakambomumhan’arira kumapurisa ndikazomuregerera semukoma wangu, asi ndava kuona kuti ave kunyanya,” anodaro Saruchera.

Anoti haazive kuti sei Sefu ari kumushungurudza nekuti ndiye akamuudza kuti agare nemurume wake paaiva kunze kwenyika achityira kuti murume angamutize.

“Ndiye akanditi ndigare nemurume wake iye paanga ari kunze kwenyika achiti angatizwe nemurume ndikaita saizvozvo tikachata kuchechi.

“Asi paakadzoka akatanga kunditi ndibve pamba ndisiyane nemurume akati anondipa $5 000 iyo yandakaramba,” anodaro Saruchera.

Anoenderera mberi achiti Sefu ndiye ava kugara nemurume, asi ari kuramba achimushungurudza.

“Dambudziko rake hameno kuti ndereyi nekuti iye ndiye ave kugara nemurume,” anodaro.

Sefu anoudza dare kuti haana kusiira Saruchera murume wake, asi kuti akangowana vave kugara vose uye vakachata kuchechi zvisinei nekuti iye akange akachata nemurume uyu kare.

“Handina kumuti atorane nemurume wangu asi kuti pandakagara kunze kwenyika, murume wangu akati ari kuda kutsvaga mumwe mudzimai ini ndikamuti atsvage ndichifunga kuti ari kutamba. Ndakazoita zvekunzwa kuti akachata naSaruchera kuchechi asi ini ndakachata naye kudare kare.

“Murume wangu akandikumbira ruregerero ndikamuregerera, ndokusaka ndisina kumusungisa.

“Tava kugara tose asi Saruchera ari kugara pamba iri kushandiswa sehofisi nemurume wangu, ndosaka ndisiri kunzwisisa zviri kuitika,” anodaro Sefu.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Saruchera gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *