Vonwiswa mvura yageza zvitunha
VAMWE vanhukadzi vekwaMatsiwo, kuGuruve, vanonzi vave kushandisa mvura inenge yagezeswa zvitunha zvevanhu, iyo inosanganiswa nemishonga kuita mupfuhwira, unozosiya varume vanenge vadyiswa vave mafuza kana kuti
Mari yema‘incentives’ kanganwai: Dokora
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, vanoti mari yaibhadharwa vadzidzisi nevabereki, yema”incentives”, iyo yakamiswa, haichadzoka zvachose uye yangova nhoorondo.
MAONERO EDU: Zvichiri kuitika,munyika muno, mukore uno?
SVONDO rino tine imwe nyaya inoti kuvhundutsa pamwe nekusuwisa, inove yevamwe vanhukadzi vekudunhu raShe Matsiwo, kuGuruve, avo vanonzi vari kupa varume vavo mipfuhwira yakasanganiswa nemvura inenge yagezeswa
Vana vasapurazi vokwangwaya
Orpah Mukotekwa MURUME wekumhan’arirwa neaimbove mudzimai wake kudare achida kuti mari yemendenenzi yaari kubvisa iwedzerwe kubva pa$80 kusvika pa$200 akatsika madziro achiti mukadzi uyu anongoda kumudya mari yake chete
Mudzimai hutu nemupurisa
naKingstone Mapupu MURUME anoshanda sakondakita wemabhazi akasara ari pamhene zvichitevera kuhwapurirwa kwaakaitwa mukadzi wake nechikomba.
Kushaina weHatfield Girls High akashaina
ZVIKORO zviri kukurudzirwa kukoshesa zvidzidzo zverurimi rwaamai seShona kana Ndebele kwete kuzvitarisira pasi sezvo zviri izvo zvinoita kuti vana vave nehunhu.
Shasha yemujaho Gatlin anogona kuregererwa
shasha yemujaho wekumhanya yekuAmerica, Justin Gatlin, onzi ane kodzero yekuregererwa namazvikokota akabatsira pakuferefeta nekuongorora kushandisa zvinodhaka kwaiitwa neshasha yekuchovha bhasikoro, Lance
Akaroverwa kuzviita ‘mhene’
Yvonne Chipato MURUME wemuHarare, anoita zvekutengesa zvisiri pamutemo uye wekupomerwa “kubhururutsa mhene” yaida kutenga pane mumwe wake, akarohwa kunge nyoka yapinda mumba ndokunoponera kuchipatara.
Mbavha yehuku yakatengeswa netsoka
MBAVHA yekuba huku pane rimwe purazi riri kuBeatrice yakazoigocera pahutsi apo yakabatiswa netsoka dzayo. Muchuchisi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Tendai Mukariri akati nerimwe zuva Richard Hogo, uyo
DETEMBA TINZWE: Mudyanavana
naTafadzwanashe Thabhile Aaaaa handisati ndambonzwa muimbi anoimba sewe, Anoimba zvakanaka kudai,






