Tatarisana nedambudziko idzva
Catherine Murombedzi TINOZIVA kuti munhu akarwara anotsvaga rubatsiro mativi mana enyika, mumwe anoenda kun’anga, kumaporofita kana kuchipatara.
Bosso tinoirakasha: Dinyero
MURAIRIDZI weHarare City, Masimba Dinyero, anoti chikwata cheHighlanders chaigochera pautsi apo pachakadzinga aiva muraidzi wacho Kelvin Kaindu basa munguva pfupi ichangodarika uye vanoda kuirakasha apo vari
Chokwadi chainetsa kudura: Suarez
SHASHA yemutambo wenhabvu, Luis Suarez, anoti zvakamuomera kuti abvume kuti ainge aruma mutambi weItaly, Giorgio Chiellini, kumakwikwi eWorld Cup ayo akaitirwa kuBrazil gore rino.
Varimi vemapindu vosimudzirwa
VARIMI vemapindu kumatunhu eHurungwe neKariba, kuMashonaland West vosimudzirwa zvikuru nesangano rakazvimirira izvo zvavandudza upenyu hwevanhu vazhinji.
Mvura: bata R5 upedze nyota
PANGUVA iyo vamwe vagari vekuChitungwiza nedzimwe nzvimbo dzemuHarare vari kuchema-chema nekuda kwedambudziko guru rekushaya mvura yekushandisa, kune vamwe vari kutora mukana uyu kupura mari nekutengesa
‘Dzidzisai nezvehiv neAIDS’
MUMIRIRI weMakonde mudare reHouse of Assembly, Cde Kindness Paradza, vanokurudzira vatori venhau kuti vaburitse nyaya dzine chekuita nehutachiwana kweHIV nechirwere cheAids nenzira inodzidzisa veruzhinji kukosha
Shasha dzekarate dzobandana
SANGANO reZimbabwe Karate Union riri kuronga mutambo weChampion of Champions wevatambi vachiri kusimukira uyo uchaona shasha ichahwinha ichawana mukana wekunomirira nyika kumakwikwi ekunze.
Opunduka nehuchi
PANGUVA iyo vamwe vechidiki vari kuchema-chema nekuda kwekushomeka kwemabasa, mumwe murimi wezera ravo anogara kuBanket oita zvinorova kuburikidza nebhindauko rekupfuya nyuchi achitengesa huchi.
Minda kuvanhukadzi: Dinha
GURUKOTA reHurumende rinomirira dunhu reMashonaland Central, Advocate Martin Dinha, vari kukurudzira kuti vanhukadzi vapihwe minda vachiti vari kurima zvemhando yepamusoro izvo zviri kusimudzira upfumi hwenyika.
N’anga dzakonzeresa!
BHOKISI rainge ravigwa riine chitunha rinonzi rakazofukunurwa nen’anga muimba yekubikira pamusha weimwe mhuri kuKasimhure, kwaShe Mujinga, kuKaroi rikawanikwa riine nhengo dzemunhu munyaya yasiya vagari veuku











