Ngatiite muonera pamwe kumapurazi
Evans Zininga HURUMENDE nemasangano anomirira vashandi vemumapurazi pamwe nemamwe mapoka akasiyana zvinofanira kubatana mukurwisa kupararira kwedenda reHIV neAIDS sezvo riri dambudziko gukutu kunzvimbo dzekumapurazi.
Eaglesvale yosimudzirwa
CHIKORO cheEaglesvale High icho chiri muHarare, chiri kuvandudzwa zvichitevera kuvakwa kwakaitwa mamwe makamuri ekudzidzira uye chiri kutora mamwe matanho akananga kusimudzira dzidzo.
A-LEVEL — MUBAIRO: George anoramba kudya
CHITSAUKO 18 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Manheru acho mudzimai wake anomuunzira kudya asi anoramba achiti ainge asinganzwi nzara. Paanoona kuti
Wenger oda kuti Podolski arambe ari muchikwata chake
MANEJA weArsenal, Arsene Wenger, anoti Lukas Podolski anoda kuti arambe ari muchikwata chake zvichitevera nyaya dziri kubuda dzekuti mutambi uyu anogona kuenda muna Ndira.
Gadziriro dzenetball dzotanga
MANEJA wechikwata chenetball chenyika cheTeam Zimbabwe icho chichakwikwidza kumitambo yeAfrican Union Sports Development Region V Youth Games kuBulawayo nguva inotevera, Virginia Mutanda, anoti vatambi vavo
O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Chigange ndiye achatungamirira mauto aRevai
CHITSAUKO 10 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Mambo vanomuti achivapakurira kazano kake vaone kana kachikodzera kukurukurwa pamusoro pako. Revai
‘Maporofita ari nani pane kuchipatara’
VANHU vaive mudare vakashamisika apo mumwe murume akange amhan’arirwa nemukadzi wake nenyaya yemendenenzi akati zviri nani kuti mwana wake ainzi ari kurwara aende kunorapwa kumaporofita sezvo kusingade
‘Zengeza High 1 inotipa manyawi’
VANA vakakunda vamwe muzvidzidzo, mitambo nezvimwe zvakasiyana pachikoro cheZengeza High 1, kuChitungwiza, svondo rapera vakapembedzwa nekupihwa mibairo.Vachitaura pamabiko aya, vaiva muenzi anokosha vari zvakare
Mutyairi wekombi haacheuke mhuri
MUTYAIRI wekombi wekumhan’arirwa kudare nemukadzi wake achida $150 yemendenenzi pamwedzi akachema-chema achiti mari iyi yakawandisa, haana basa chairo raanoita sezvo achingoti “chamuka inyama”.
Mutyairi webhazi oramba kuti vana vadzidze kumusha
Arnold Kaseke MUTYAIRI webhazi rechipatara cheHarare Central Hospital, wekuendeswa kudare nemukadzi wake achida kunzi awedzere mari yemendenenzi yaari kubhadhara, akachema-chema achiti haakwanise kuita izvi sezvo upenyu

