‘Kana uchida nezveupenyu siyana nemurume wangu’
MUKADZI mudiki pabarika akazopotera kudare apo aiti afemeswa navahosi apo vaviri ava vanenge vachirwira murume wavo.
‘Kuratidza kuti midzimu yakagumbuka’
KUDUNHU rekwaSaunyama kuNyanga, kwakaitika manenji apo zidombo raiva pamusoro perimwe gomo reko, iro rinonzi rinoyera, rakakoromoka rega ndokunogumira murwizi urwo rwunonzi mvura yacho yakabva yasanduka
‘Vana ngavadzidziswe zvemawoko’
ZVIKORO zviri kukurudzirwa kuti zvikoshese zvidzidzo zvemabasa emawoko zvakaita sekudhirohwa mifananidzo sezvo vamwe vana vachikwanisa kuzowana raramo kubva mazviri mune ramangwana.
Tonga neNambya zvonyorwa pabvunzo dzeO-nea-Level
MITAURO yeTonga neNambya ichange yave kunyorwa pabvunzo dzeZimsec dzeO- neA-Level kutanga gore rinouya zvichifambirana nebumbiro idzva remutemo wenyika, iro rine donzvo rekuona kuti mitauro yose yevanhu
Flame Lilly, Whawha, Tsholotsho hodhi mupsl
LIGI reCastle Lager Premiership rakasvika kwamvura yacheka makumbo svondo radarika musi weSvondo apo Dynamos FC yakanyora zita rayo munhoroondo yenhabvu yemunyika ino nekuhwina kwayakaita mukombe weligi
‘Africa inoda mitemo yezvicherwa’
NYIKA dziri muAfrica dzinokurudzirwa kuti dzikumikidze mitemo ine chekuita nekusimudzirwa kwezvicherwa kuitira kuti chikamu ichi chibatsiridze zvakazara munyaya dzekuvandudzwa kweupfumi.
Dombodzvuku yotarisa parefu
CHIKORO cheDombodzvuku Primary School, chiri kwaMurehwa, icho chakahwapura mukombe mukuru mumakwikwi emutambo weJerusarema Mbende kudunhu reMashonaland East chinoti chine chishuwo
Mapurisa akabatsira mapatya
BOKA remapurisa echidzimai kuchikamu chePolice Protection Unit (PPU), reWomen’s Network, rakaita mushandirapamwe wekubatsira mapatya emumwe mupurisa avo vakasunungukwa vakabatana mimwe mitezo
Varairidzi vevechidiki vodzidziswa
VARAIRIDZI venhabvu vanosvika 20 kubva kuzvikwata zvevechidiki zvakasiyana vachasangana kuBulawayo svondo rinotevera kutanga musi waZvita 3 kusvika 7 apo vachange vachiitiswa zvidzidzo zveFifa -Cosafa Coaching
A-LEVEL — MUNZWA MUNDOVE: Makate otsvaga chakadya George
CHITSAUKO 24 (Nyaya yacho: Enderero mberi) AMAI vaTendai vanoti ngavarege zvavo kuramba votaura zvakawanda, vachataura naMunjodzi kuti asare achivapa muriwo.

