Mubhedha wechikwereti wamuparira
Orpah Mukotekwa NYAKUNAKIRWA nekurara pamubhedha wakatengwa nechikwereti akazochechuka ave mudare apo munhu akamutengesera akange ave kuda mari yake yose.
$450 ichiri muguva
MARI iya inokwana US$450 inonzi yakaenda muvhu iri mupiro yakavigwa nayo chitunha kwaNenguwo, kuMarondera ichiripo pasi pevhu zvichitevera kusawirirana kwehama dzemufi nashe weko nemapurisa pakuti guva
O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Chokupamba akapamba zvisiri zvake
CHITSAUKO 11 (Ongororo: Enderero mberi) Chigange anoshatiriswa nemhinduro yaMambo Chokupamba yokuti hapana achaziva kuti zvipfuwo zvakasiiwa naTiritose zvaive zvingani nekudaro achavapa zvaanofunga kuti ndizvo zvinoenderana nezvakasiiwa
Sekuru vakapondwa, mbuya ndokusiya vasungwa
PANA sekuru vekwaChinamhora, kuDomboshava, vakapindirwa mumba mavo nemhondi ndokusiya vapondwa, mudzimai wavo ndokusara akasungwa mawoko nemuromo, munyaya yatenderedza misoro yevagari veuku.
Vana vowaniswa chenjedzo neyes
CHIRONGWA cheYouth Education through Sport (YES) Programme chiri kurumbidzwa zvikuru chichinzi chiri kubatsira vana vechikoro kuti vawane mukana wekupangana mazano pamusoro penyaya dzakaita sechenjedzo
‘Vatambi vetsiva vokanga waya’
SHASHA yakambonetsa mumutambo wetsiva, Alfonso ‘Mosquito’ Zvenyika, svondo rino akachema-chema zvikuru nekushaikwa kwerutsigiro rwemutambo uyu kubva kuHurumende.
Kuzvibata musimboti weraramo!
SVONDO rapfuura ndakatambira tsamba mbozha yaibva kuna amai Tsitsi Togara mugari womuHarare, vakange vachikurudzira madzimai eZimbabwe kuti anamatire vana munyika – kumira navo pamukaha nokuti “vana vaoma
‘Shefu’ otongwa kudare
Tatenda Moyo MUDZIMAI wekukwidza aimbova murume wake kumatare achiti ndichamangwiza (chief executive officer) weimwe kambani akazoshamisika apo murume uyu akati aitoshandirawo mumwe munhu. Potia Murindagomo akaendesa
Division One, World Navi ukama hwosimbiswa
SACHIGARO weDivision One Northern Region League, Willard Manyengavana, anoti ligi ravo nevakotsveri veWorld Navi vachapinda muhurukuro nguva pfupi iri kutevera iyo ichaona vachinyorerana patsva chibvumirano
Tamirira kuunzwa mutsindo
MUSANGANO uya wanga wakamirirwa namaziso matsvuku (6th National People’s Congress), musangano webato riri kutonga, bato rakarwira rusununguko reZanu-PF, watanga muguta reHarare.


