Goredzva nembama…‘Sori ndakange ndakadhakwa’
MARAMBADORO akapinza murume wekuChitungwiza munyatwa zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva mudare yekurova vana mainini vake musi weGoredzva apo aive akadhakwa.
Ishe vorwisa gukuravhu
ISHE Chihota vekudunhu reMarondera kuMashonaland East votungamirira pakudyarwa kwemiti mudunhu ravo rose uye vari kutarisira kuti panosvika gore ra2018 vange vadyara miti inodarika mamiriyoni nedonzvo rekudzivirira gukuravhu.
HIV: Kenya yomhanya!
Catherine Murombedzi NYIKA yeKenya iri mushishi rekuda kuziva zvakawanda pamusoro pendufu dzinokwanisa kudzivirirwa kana madzimai anorarama neutachiona hweHIV akapihwa rubatsiro nenguva yakafanira uye kana vakanyoresa kusikero vachangobata
‘Dzidzo yemuno ichavandudzwa’
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti chirongwa chekuvandudza zvinodzidzwa nevana muzvikoro, cheCirriculum Review Process, chiri kufamba zvakanaka zvikuru uye chichabatsira mukusimudzira dzidzo
musatanist akadashurwa l ‘Ndakaitwa kafiramberi’ l ‘Unokonzeresa tsaona’
MURUME wechidiki wekuDomboshava, wekubuda pachena kuti muSatanist uye kuti iye nevamwe vake vanokonzeresa tsaona vachidya nyama nekunwa ropa revafi, akarohwa zvekuitwa kafiramberi nevanhu vaanoti
Zvivanhu zvipfupi zvabhebha
DAMBUDZIKO remhuri iya inoti iri kugara ichioneswa chitsvuku nezvinhu zvinofungidzirwa kuti zvidhoma kupurazi reMimosa, kuMarondera, ratokwidza makata sezvo zvichinzi “zvinhu” izvi zvamuka chibhebhenenga
‘Shandisai fetereza zvine hugwaru’
VARIMI vakakurudzirwa kushandisa fetereza zvine hungwaru muminda yavo zvichitevera kunaya kwemvura zhinji mazuva ano kuti zvirimwa zvavo zvirege kunyukurwa uyewo nekuti vagadzire makandiwa anorasa mvura muminda yavo nenzira
MAONERO EDU: Mutemo hausi wako, usauise muhomwe
MUMAGARIRO evanhu, kune vamwe vanoda kutora mutemo vachiuisa “muhomwe dzavo” sekutaurwa kwazvinoitwa. Asi pakupedzisira vanhu ivava vanoguma vochema kana vapinda muna taisireva, ivo vacho
Chikwata chebeach volleyball choumbwa
ZVIKWATA zvemutambo webeach volleyball zvakasangana svondo radarika kwaMachipisa kuHighfield, muHarare apo paiumbwa chikwata cheZimbabwe chichanokwikwidza kumutambo All Africa Qualifier uko chichange chichirwira tikiti
‘Ngwarirai mafashamu’
SANGANO rinoona nezvekudzivirwa kwenjodzi munyika, reCivil Protection Unit (CPU), riri kuyambira vana vechikoro pamwe neveruzhinji kuti vangwarire mafashamu emvura, zvikuru panguva ino zvikoro zvave kuzarurwa.










