Namibia yakasima miti
Malven Mugadzikwa MUMIRIRI wenyika yeNamibia muZimbabwe, VaBalbina Daes Pienaar, vari kurumbidza chirongwa chekusima miti muzvikoro nenharaunda dzakapoteredza icho chiri kutsigirwa neFriends of the Environment (FOTE), iyo iri pasi peNyaradzo Group,…
6 km ari pabhoneti
Hardway Nyakuwarwa MURUME wekuKambuzuma muguta reHarare anoti akapona neburi retsono apo akafamba makiromita anosvika matanhatu akanamira pabhoneti remotokari yechikomba chemukadzi wake apo vakange vave kutiza mushure mekuvabatikidza vachisasana. Douglas Chipindu (33),
Makunakuna: Sekuru kuroora muzukuru
Kingstone Mapupu MURUME wekwaNjelele, kuGokwe, wekugara nemuzukuru wake – anova mwana watete – achimuita mudzimai kwemakore maviri vachiita makunakuna akaripiswa mombe mbiri nembudzi mbiri nedare ramambo weko. Bothwell Tasara (35), uyo…
Tsaona shoma, vanhu vafare!
KUTANGA neChishanu chino kusvika neMuvhuro unotevera Zimbabwe inenge ichibatana nepasi rose mukupemberera zororo rePasika. Iyi inguva yekuti vatendi vemakereke akasiyana vanenge vachirangarira kufa pamwe nekumuka kwaJesu Kristu. Panguva iyi zvakare, vashandi
‘Usandinokore tsoka’
Garnet Zvimba NYACHIDE akazopotera kudare achida apfidzirwa nekutukirirwa navahosi pabarika avo vaanoti vanomunokora tsoka. Tendai Godho akaudza mutongi weHarare Civil Court, Trevor Nyatsanza, kuti Brenda Jojo anomushungurudza pose pavanosangana. “Mukadzi uyu ane…
Akapukuta $1 200 nepfambi
Garnet Zvimba MUDZIMAI wekuti murume wake akaramba kutenga sitendi yekuvaka imba asi ndokupedzera $1 200 kupfambi akabva mudare achigunun’una apo chikumbiro chake chekuti anoda $400 yemendenenzi chakaraswa. Getrude Mukarwi akamhan’arira murume…
‘Ndakaramba kubvisa nhumbu’
Garnet Zvimba SAMUSHA wekuramba kuchengeta mwana achipomera mudzimai wake mhosva yekuramba kubvisa pamuviri pemwana uyu akazochechuka amiswa pamberi pedare. Bridget Samu akapotera kuHarare Civil Court achida $100 kubva kuna Kelvin Madzivadondo. “Changamire,…
Mukomana oramba kukandwa saga
Garnet Zvimba MUKOMANA wekusada kurambwa nemusikana achiti anomuuraya iye ozozviurayawo kana aramba kuti vadzokerana akazochechuka amiswa mudare neaimbove chibayamoyo chake. Rejoice Tete akamhan’arira aimbove mukomana wake, Tichaona Madonhi, kuHarare Civil Court…
vabereki vane mibvunzo
Muchaneta Chimuka MUKURU wechikoro cheChiveso Primary School icho chiri kwaMusana, kuBindura, pamwe nemutevedzeri wake vanonzi vakambomiswa basa nguva pfupi yadarika vachipomerwa mhosva yehuwori nekusafambiswa kwebasa zvakanaka. Mukuru wechikoro ichi, VaTapera Muza,
Vana 6 vonomirira Zim kuSouth africa
Daphne Machiri VANA vatanhatu vemuzvikoro zvakasiyana vakasarudzwa kuti vanomiririra Zimbabwe kumakwikwi ezvigadzirwa, eScience Fair, ayo achaitwa kuSouth Africa nguva iri kutevera. Makwishu aanodaidzwa kuti Northern Gauteng Expo for Young Scientists aya…










