‘Chirwere chinotevedza mhuri, dzinza’

TSVAKIRIDZO yakaitwa neKwayedza padandemutande inoratidza kuti chirwere che”macrocephaly” chinotevedza mhuri kana kuti dzinza.

Kukura kwemusoro kwakanyanya kunoonekwa apo musoro wemwana unoyerwa nemachiremba vachiona kuti unenge wakura kudarika mwero uye usingachaenderani nezera rake, sekuva muhombe zvekudarikidza nechikamu che98%.

Dzimwe nguva panoita dambudziko renjere sekuti kana mwana aine inonzi “hydrocephalus” apo mumusoro munenge muine mvura yakawanda inoda kupota ichiburitswa.

Imwe mhando yechirwere chekukura musoro inonzi “benign extra-axial collections”, kureva kuti muuropi munenge muine mvura shoma asi munhu asingarapwe.

Zvimwe zvezvikonzero zvechirwere chekukura musoro zvinoti zvinyama zvinomera muuropi nekubuda ropa nechemukati memusoro (intracranial bleeding).

Vanachiremba vanoona nezvevana (pediatricians) vanokwanisa kuona nezvechirwere ichi kuburikidza nekuyera musoro wemwana kubvira pakuzvarwa nepanguva iyo anokura.

Vanokwanisa kuita ongororo yemuuropi (neurological test) vachishandisa CT Scan kana kuti MR1 kuti vaone denda ringangova muuropi.

Vanachiremba zvakare vanotarisawo tsinga dzemumusoro memwana kuti vaone kuti hadzisi kuramba dzichikura here.

Zvimwe zviratidzo zvechirwere ichi zvinosanganisira kurutsa nekutemwa nemusoro.

Kukura kwetsinga nekuremara kwemaziso emwana ndezvimwe zvezviratidzo zvekukura kwemusoro.

Kurapwa kwechirwere ichi kunoenderana nekuti chaonekwa kuti chakakomba zvakadii.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×